‘Tavhurwa meso’

19 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
‘Tavhurwa meso’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Tonderai Bingura – anoti denda reCovid-19 rapa vaimbi chidzidzo chikuru chekuti havangofanirwe kumirira kuita zvemagitare chete, asi kutangawo mamwe mabhindauko anovararamisa.

Bingura, uyo anotungamira chikwata cheVictors in Christ, anoti kuuya kwakaita Covid-19 muno mugore ra2020 kwakaona basa ravo richidzoserwa kumashure sezvo vairaramiswa nekuita mashoo ayo aivapa mari.

Asi zvichitevera kumiswa kwakaitwa mashoo senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri, zvikwata zvakawanda zvakaparara sezvo vaimbi vakange vasisina mari dzekuti vabhadhare nhengo dzezvikwata zvavo.

Bingura anoti akatozoona kuti kugara achingochema-chema neCovid-19 hapana kwaaisvika sezvo achida kuraramisa mhuri nenhengo dzechikwata chake izvo zvakazomutuma kutanga kuita mabhindauko emaoko.

“Covid-19 kuuya kwayo kwakatichangamutsa nekuti taingomirira kuti tichararamiswa nemagitare chete. Asi magitare paakambomiswa, takatoona kuti tikasashanda nesimba tinofa nenzara. Saka takatanga kushandisa maoko edu tichiita mamwe mabasa kuti tikwanise kuraramisa mhuri dzedu nevamwe vatinoshanda navo muchikwata changu.

“Ndinokurudzira vamwe vaimbi kuti ngatishandisei maoko edu tiite mari. Covid-19 iyi hatizive kuti ichapera rinhi saka tikangomirira tichiti tozotanga kuita mabasa Covid-19 yapera tinenge tichitorasikirwa nenguva tichisiiwa nezvakawanda muupenyu,” anodaro Bingura.

Anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutora chikamu chikuru mukurwisa denda reCovid-19.

“Sevaimbi, zvakakosha kuti tirambe tichipa chenjedzo yeCovid-19 nekuti chirwere ichi chashungurudza vanhu vakawanda munyika muno nepasi rose.

“Ndinotiwo ngatibatanei kuita mabhindauko sezvo tose basa redu rakamiswa nechirwere ichi,” anodaro Bingura.

Bingura akapinda mune zvemimhanzi mugore ra2005 uye kusvika pari zvino atsikisa madambarefu maviri anoti Pakutanga iro rakabuda mugore ra2010 kwouya Anochengeta ra2019.

Anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechitatu rinonzi Mwari Ndiyo Mhinduro iro anotarisira kubuditsa munguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey