‘Tawaz’ orwisa zvinodhaka

06 Oct, 2022 - 08:10 0 Views
‘Tawaz’ orwisa zvinodhaka Tawanda ‘’Honorable Tawaz’’ Chisasa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weChimurenga neAfro-pop, Tawanda ‘’Honorable Tawaz’’ Chisasa, ari kutora chikamu chikuru chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka izvo anoti zviri kunganisa vechidiki vakawanda.

Izvi zvinotevera kubura kwaakaita dambarefu riri pamusoro penyaya iyi.

Chisasa, uyo anotungamira chikwata cheThe Cross Country Band, akabura dambarefu rinonzi Guka Nembanje rine nziyo dzinotaura nezvehuipi hwezvinodhaka zvinokanganisa muviri zvakaita semutoriro.

Anoti dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka rakurisa zvikuru munyika muno.

“Vana vedu vakuvadzwa neguka nembanje, misodzi yangu inoyerera ndichiona kuti vechidiki vakawanda remangwana ravo riri kuenda mudondo takatarisa nekuda kwezvinodhaka izvi.

“Saka ini ndiri pachirangano chekurwisa kupedza kutorwa kwezvinodhaka, zvisarambe zvichikanganisa vechidiki vakawanda.

“Vechidiki ndivo vatungamiri vemangwana saka tikavaregerera vachimedzwa nezvinodhaka, ndiani achazotungamira mangwana?”

“Ini semuimbi, ndiri kuimba nziyo dzinotaura pamusoro pehuipi hwekutora zvinodhaka izvi ndichikurudzira kuti vechidiki vazvisiye nekuti ndikasataura nezvazvo hapana zvandinenge ndichiita. Tiri kuda kuona zvinodhaka izvi zvichipera uye vanozvitengesa vachikandwa mujeri,” anodaro Chisasa.

Tawanda ‘’Honorable Tawaz’’ Chisasa

Muimbi uyu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosangansira Kutsoma Vamwe, Chibharo, Mwanasikana uye Torai Vaccine, ako akaimba achikurudzira veruzhinji kubaiwa nhomba dzeCovid-19.

“Ini mhanzi yangu kazhinji inobata nhau dzinoitika mukurarama kwatinenge tichiita zuva nezuva apo tinosangana nenyaya dzakawanda. Saka ndinoedza kutaura nezvazvo ndichizviburitsa pachena, chinangwa chiri chekuti vanhu vashandure mararamiro avo vasiye zvakaipa vararame upenyu hwakarurama,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links