tb handi mamhepo: N’anga…Varapi vechivanhu vopa chenjedzo yerurindi

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
tb handi mamhepo: N’anga…Varapi vechivanhu vopa chenjedzo yerurindi Varapi vechivanhu nevemachechi vaive pamusangano kwaMutare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
ZVAKAKOSHA kuti varapi vechivanhu nevemachechi vave neruzivo rwakadzama pamusoro pechirwere cherurindi (TB) sezvo vari panyatwa yekutapurirwa kana kutapurira vanhu vavanobatsira panguva iyo vanenge vachibata mabasa avo ekurapa.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naSekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu nevemakereke pamusangano wakaitirwa paMoffat Hall, kuSakubva, kwaMutare.

Mbuya Agness Carson

Musangano uyu – uyo wakapindwa nemapoka akasiyana anosanganisira madzishe, masabhuku, vanoona nezveutano nevarwere verurindi – waive nechinangwa chekushambadza mashoko echenjedzo pamusoro peTB.

“Hakuna chirwere cheTB chinokonzerwa nemadhimoni kana mhepo dzakaipa. Chokwadi ndechekuti chirwere ichi chinofamba mumhepo yatinofema chichikonzerwa nemabhakitiriya. Tiri kurasikirwa nevarwere verurindi apo vanopedzerwa nguva nemamwe machiremba anenge aine makaro emari vachiswerochengeta varwere mumba pachinzvimbo chekuvaendesa kuzvipatara nenguva.

“Kana chirwere cherurindi chikanonoka kurapwa, chinokomba chokundikana kudairana nemishonga iripo izvo zvinoita kuti vanhu vagumisire vava kurasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Vamwe varapi vechivanhu vakapawo pfungwa dzavo pamusoro pechirwere cherurindi.

Sekuru Friday Chisanyu

Mbuya Sophie Masikuka (58) vanove svikiro vanoti vanofara nechirongwa ichi nekuti chinovafundisa nyaya dzekuchengetedza utano hwevarwere pamwe nevarapi.

“Mumatare medu sevarapi vechivanhu tanga tiri murima chaizvo maererano nechirwere cherurindi nekuti taingofunga kuti munhu akange ari kukosora nekuperezeka muviri anenge aine mamhepo saka taingochengeta varwere mudzimba tichivapa mishonga yedu.

“Zvatafundiswa nezvezviratidzo zvechirwere cherurindi ticharamba tichitumira varwere vakadai kuzvipatara nenguva.

“Tadzidza zvakare kuti isuwo varapi tiri panyatwa yekutapurirwa chirwere ichi nekuti tinorapira vanhu panzvimbo dzakahwanda, dzisina mahwindo anopinza mhepo uye hatishandise magirovhosi sezvinoitwa muzvipatara,” vanodaro.

Beauty Maganda-Chinyamunzore

Mbuya Alice Mbavha (52) vanova murapi wechivanhu zvakare vanoti dzidziso yakadai yakanaka nokuti vava kuziva kuti chirwere cherurindi hachikonzerwe nemamhepo kana kuti mweya yetsvina asi kuti nemabhakitiriya anofamba nemhepo nokudaro chinogona kubata munhu wese anofema mweya une mabhakitiriya aya.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Beauty Maganda-Chinyamunzore vanove muporofita kukereke yeDombo RaMwari Apostolic Faith Church yekwaMutare vachiti mukurapa kwavo vanosangana nevarwere vakawanda vane chirwere cherurindi asi nepamusaka pekuti vanenge vasina michina yekuvheneka TB, vanogona kugumisira vatapurirwa apo vanonamatira varwere.

“Pamakereke pedu panouya varwere vanodarika zana tichivanamatira. Tava kutoti murwere wese anenge auya atange atiratidza kadhi rake rekuchipatara kuti tione kuti haana chirwere cherurindi here kuitira kuti tisazoramba tichimuchengeta pakati peruzhinji nekuti anogona kutapurira vamwe.

“Isuwo sevarapi vechivanhu nevemakereke, tavawo kutora danho rekuti tinovhenekwa chirwere ichi nekuti tine mikana yekutapurira varapwa veduwo saka zvinobata mativi ese,” vanodaro.

Mbuya Agnes Carson vanova murapi wechivanhu vachishandira kuGweru vari nhengo yeDistrict AIDS Comtittee ikoko vanoti imhosva inoendesa kujeri kuti varapi vechivanhu vachengete varwere mudzimba nekuti vanenge vachivashaisa kodzero yavo yeutano muzvipatara.

VaNever Chikunda-Booster, avo vainge vakamiririra Ishe Zimunya, vanoti kuwanda kwemaporofita nen’anga dzisina kunyoresa kuti dzinge dzichishanda zvine mutsa mudunhu mavo ndiro dambudziko guru.

“Varapi vechivanhu nemaporofita venhema vari kuwanda muno saka havana mikana yekupinda muzvirongwa zveutano zvakaita seizvi nekuti vanenge vachitya kusungwa. Izvi zvinoita kuti chirwere cherurindi chirambe chichipararira. Tiri kushanda nemapurisa mukubata vamwe vanaTsikamutanda avo vari kubira vanhu upfumi hwavo hunokosha muno,” vanodaro.

Ishe Mutambara, VaJohn Adwin Agrin Mutambara, vanoti vachatakura mashoko edzidziso aya kuti vanopakurira vagari vemudunhu ravo maringe nechirwere cherurindi.

Zvakadai, mhemberero huru dzeWorld TB Day dziri kutarisirwa kuitwa muHarare nomusi wa24 Kurume uye zuva iri rine chinangwa chekuti veruzhinji vange vachiwaniswa dzidziso pamusoro pechirwere ichi.

 

Share This:

Sponsored Links