Tembo akaparura dambarefu

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Tembo akaparura dambarefu

Kwayedza

SHASHA munyaya yemusambo weSungura — Paradzai ‘Tembo’ Gaimbe (47) — nechikwata chake cheThe New Blue Seeds vakabura dambarefu ravo rekutanga rinonzi Chipo Changu iro rine nziyo shanu.

Tembo anoti akarasikirwa nemaziso achiri mucheche uye vazhinji vanomunzwa achiimba vanogona kubva varangarira muimbi aive nemukurumbira mushakabvu Paul Matavire uyo aive asingaoni zvakare.

Tembo anoti anotenda zvikuru rutsigiro rwemudzimai wake – Cecillia Zenda (39) – anova maneja webhendi ravo.

“Ndakatanga kupinda muindasitiri yekuimba muna1985 ndichine makore 14 ekuberekwa uye ndinoyemura nyanzvi dzakadai saJohn Chibadura naLeonard ‘Musorowenyoka’ Dembo saka ndiri kutevedzera matsimba avo uye ndivo vakandipa shungu dzekuti ndifarire zvekuimba saka zvatova muropa. Pese pandigere ndinorota nziyo,” anodaro.

Tembo nemudzimai wake vane vana vatatu avo anotiwo vari kutevera matsimba avo zvakare zvisinei nekuti vari kuchema nenyaya yepairesi iyo yadzika midzi muindasitiri yemimhanzi.

“Tiri kungofira mafufu segonzo nekuti tikangobura dambarefu nhasi mangwana rinenge ratova mumawoko embavha rototengeswa sechingwa chinopisa pamusika wemukoto isu pasina chatinowana saka zvinorwadza,” anodaro.

Murume uyu anoti akamboimba nevaimbi vanosanganisira Patson Chibhamu naLucky Tembo ndokuzosiya ave kuvamba chikwata chake.

“Ndakaimba naLucky Tembo muna2011 padambarefu rinonzi Yananiso uye naChibhamu zvakare,” anodaro

Dandarefu idzva remuimbi uyu rine nziyo shanu dzinoti Chipo Changu, Wakanyengedza Mbuya Vangu, Nherera, Ndichiri Pachikoro naMapisarema. “Muna Chipo Changu ndinenge ndichida kuudza nyika kuti munhu wese ane chipo chake chaakapihwa naMwari saka vanhu havafaniri kushora zvipo zvevamwe nekuti zvinosiyana. Kuchizoti muna Wakanyengedza Mbuya Vangu ndinoshora madzimai anonyepera rudo achida kungodya mari yemunhu nekuda kuchengeterwa vana vavanenge vakaita nevamwe varume asi vachizoramba munhu kana apera mari,” anodaro.

Tembo anoti mune kambo Nherera anenge achitondera kurasikirwa kwaakaitwa nababa vake muna2014 zvichizotevera kushaya kwaambuya vake — amai vemudzimai wake muna2015 — zvinova zvakamudzimba mwoyo.

“Murumbo urwu, ndinotsanangura kutambura kunoita nherera zhinji apo dzinopedzisira dzava kushuvira kuti dai Mwari adzitora nekuda kwekuwanda kwematambudziko epanyika apo dzinoshaya variritiri,” anodaro.

Tembo akaita Grade 7 kuKadoma uye haana kuzokwanisa kuenderera mberi nedzidzo nekuda kwekushairwa mari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey