Tengai nehungwaru: CZR

17 Oct, 2019 - 16:10 0 Views
Tengai nehungwaru: CZR VaDenford Mutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

SANGANO revemabhizimisi ezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), rinoti vatengi vanofanirwa kutenga zvinhu zvavanenge vachida nehungwaru sezvo kuine mamwe makoronyera ari kutora mukana wekuoma kwezveupfumi munyika kuti akwidze mitengo yezvinhu zvisina tsarukano.

VaDenford Mutashu, avo vanova mukuru wesangano iri vanoti vane zvitoro vanofanirwa kutara mitengo yezvinhu zvavanotengesa vachiziva kodzero dzevatengi nekuti vamwe vari kubva vanyanya kukwidza mitengo yavo.

“Tiri kuzviziva kuti zvinhu zviri kunetsa kuvanhu vose – vanotengesa nevari kutenga – asi vamwe vari kutengesa vava kunyanya kuisa mitengo yavo pamusoro vachihwanda nekuti vanohodha kwakasiyana. Izvi zviri kukuvadza vatengi,” vanodaro.

VaMutashu vanokurudzira vatengi kuti vatenderere muzvitoro vachienzanisa mitengo yezvinhu zvavada kutenga, kwete kungowira.

“Kwava nemakoronyera ava kutora mukana wekunetsa kuri kuita zvinhu uye kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zuva nezuva.

“Zviri kumutengi kuva nesimba rekufamba achiongorora mitengo yezvinhu zvaari kuda kusvika awana chitoro kana munhu ari kutengesa nemutengo wakaderera kudarika vamwe vose,” vanodaro.

VaMutashu vanoti pakaita sangano ravo reCZR ongororo, vakaona kuti veruzhinji vari kunyanya kunyunyuta nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zvinoshandiswa mudzimba zuva nezuva.

Vanoti zvisinei nekuoma kwakaita mamiriro eupfumi, vari mune zvekutengesa – kunyanya vezvitoro – vanofanira kuziva kodzero dzevatengi uye vatengi havafanire kumbunyikidzwa nekuda kwemamiriro eupfumi hwenyika.

 

Share This:

Sponsored Links