Tete nemuroora vorwa

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Tete nemuroora vorwa

Kwayedza

Ashley Muchamiri
TETE nemuroora vakamisidzana mudare vachirwira nzvimbo yekurima uyewo nerimwe divi tete vachipomerwa kutsvagira hanzvadzi yavo vamwe vakadzi. Heather Taruvinga akamhan’arira muroora wake Rufaro Forget kuHarare Civil Court.

“Ndava kutotya kugara muimba imwe chete naForget nekuti ndinotya kuti nerimwe zuva anozongomuka andikuvadaza sezvo kava kechitatu achindivimbisa kudaro,” anodaro.

Taruvinga anoti Forget akanodyara muriwo wake paaiva adyara chibage chake. “Muroora uyu akadyara muriwo wake pandaive ndadyara chibage changu uyezve haandikudze satete vevana vake,” anodaro.

Achipawo divi rake, Forget anoti haarambe zvekuti akadyara muriwo paiva padyarwa chibage naTaruvinga. Anoti chiri kunetsa ndechekuti Taruvinga anonotaura zvakashata kumurume wake.

“Tete ava vanonditaura kumurume wangu kuti ndidzingwe pamba uyezve ndivo vanofurira murume wangu kuti anditize achienda kunopfimba vamwe vakadzi,” anodaro. Forget anoti ndiye akagadzira nzvimbo yekurima apo pakazodyarwa chibage naTaruvinga.

“Ndini ndakagadzira nzvimbo inorimwa iyi mushure mekunge murume wangu andiudza kuti tete havadi zvekurima nekuti vanoenda kubasa,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Taruvinga gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links