‘Tevedzai mitemo yemumigwagwa pazororo’

10 Aug, 2024 - 13:08 0 Views
‘Tevedzai mitemo yemumigwagwa pazororo’ Cde Kazembe Kazembe

Muchaneta Chimuka

VATYAIRI vedzimotokari pamwe chete neveruzhinji vanokurudzirwa kutevedza mitemo yemumigwagwa senzira yekudzivirira tsaona idzo dziri kukonzera kufa nekukuvara kwevanhu.

Kurudziro iyi yakaitwa pakuparurwa kwechirongwa cheHeroes and Defence Forces Holiday Safety Awareness Campaign neTraffic Safety Council of Zimbabwe nemusi weChitatu muHarare nechinangwa chekuderedza tsaona idzo dzinonyanya kuwanda panguva yezororo.

Gurukota rezvinoitika mukati menyika — Cde Kazembe Kazembe — avo vaive muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, vanoti zvakakosha kuti vanhu vange vachichengetedza upenyu mumigwagwa apo vanofamba nzendo dzavo.

“Nyika yarasikirwa nevanhu vakawanda kwazvo nekuda kwetsaona dzemumigwagwa kunyangwe zvimwe zvacho zviri kukonzera tsaona idzi zvinhu zvinokwanisa kudzivirirwa nekuregedza zvakadai senyaya dzekudhakwa munhu uchityaira, kuzadza vanhu mumabhazi/motokari uye kutyaira vanhu vasina zvitambi. Tinotenda Hurumende migwagwa yedu mizhinji yakagadzirwa nokudaro tsaona zhinji dzava kukonzerwa nekukundikana kwevanhu kutyaira zvakanaka,” vanodaro Cde Kazembe.

Vanokurudzira mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kusunga vatyairi vese vanofamba vasina zvitambi nevemabhazi vanozadza vanhu sezvo izvi zvichiwedzera kuitika kwenjodzi mumigwagwa.

“Panguva ino yezororo remagamba tinoziva vanhu vakawanda vachange vachifamba nzendo dzavo, vamwe vachienda kumusha uye vayenzi vari kuuya kumusangano we44th SADC Summit saka zvakakosha kuti tiedze nepose patinogona kudzivirira tsaona. Takaisa mapurisa munzvimbo dzese kuti vaone kuti mitemo yemumigwagwa yatevedzwa,” vanodaro.

Gurukota rezvifambiso nekusimudzirwa kwezvivakwa, Cde Felix Mhona, vanoti vanofara nekuderera kuri kuita nyaya dzetsaona mumigwagwa.

Cde Mhona

“Chinangwa chedu chikuru ndechekuona kuti hakuna upenyu hunorasika nekuda kwetsaona uye tinokurudzira kuti vanhu vese vanokuvara mutsaona vange vachitsigirwa. Ongororo yakaitwa nesangano reUnited Nations muna2019, inotaridza kuti chikamu che94 percent chetsaona dzemumigwagwa muZimbabwe dzinokonzerwa nevanhu vanomhanyisa motokari dzavo, vanotyaira vakadhakwa kana kushungurudzika mupfungwa nekuzadza vanhu, pakati pezvimwe,” vanodaro.

“Tine vamwe vatyairi vanoda kuramba vari panharembozha panguva iyo vanenge vachityaira zvinova zvimwe zvezviri kunyanya kukonzera tsaona munguva ino yeruzivo rwechizvino-zvino rweWhatsApp. Tiri kurasikirwa zvakanyanya nevanhu vemazera anobvira pa20 – 45 ekuberekwa mutsaona vanova vanhu vanofanira kunge vachishandira mhuri nebudiriro yenyika,” vanodaro.

Pastor Charles Charamba nemudzimai wavo Olivia Charamba ndivo maAmbassadors echirongwa chiri maringe nekudzivirirwa kwetsaona mumigwagwa.

Vaivepowo pakuparurwa kwechirongwa ichi izvo zvakaona vachipihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvavo zveDefensive Driving pamwe chete nevamwe vaimbi vane mukurumbira.

Zvakadaro, Traffic Safety Council yakapihwawo gwaro rekugona kushanda zvine hunyanzvi pachirongwa ichi (ISO Certification).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey