Uncategorized

Tevedzai mutemo paGoredzva: ZRP

30 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Tevedzai mutemo paGoredzva: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira veruzhinji kuti vatevedzere zvizere mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo vanenge vachipemberera Goredzva.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti Zimbabwe sedzimwe nyika pasi rose, iri kurwisa Covid-19 nekudaro zvakakosha kuti vanhu vazvidzivirire kubva kuchirwere ichi.

“Ichokwadi, pazororo iri igaroziva kuti vanhu vanoungana vachifara nekunwa vachipembera. Asi, nguva yatiri haisi kubvumidza zvose izvi nekuda kwechirwere cheCovid-19. NeChishanu chino tinoziva vanhu vacharara vakarindira gore idzva. Tinoyambira kuti mapurisa aripo kuchengetedza mitemo nekudaro anowanikwa achityora mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 anosungwa pasina tsvete,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kuungana kwevanhu hakuzi kutenderwa pari zvino, pangava pamusha, kunzvimbo dzemabhizimisi kana kumwe kwakasiyana.

“Covid-19 haisati yapera, iri kuuraya saka ngatifarei tichiziva kuti tinaro mukati medu. Vemabhawa nezvitoro nekumamisha tinoti ngatitevedzei zvose zvinodiwa pakurwisa Covid-19,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanokurudzira veruzhinji kuti vapemberere Goredzva vari kudzimba dzavo.

“Vanhu ngavazive kuti curfew ichiriko, inotanga nenguva dza9 husiku kusvika 6 dzemangwanani uye vanhu havatenderwe kufamba pakati penguva idzodzi. Zviya zvekumhanya vanhu vachiridza magaba nemabhosvo vachipemberera gore idzva, rwendo rwuno mutemo hausi kubvumidza zvose izvi, munosungwa.

“Vemabhawa tinoziva kuti vachada kuramba vakavhura vachitengesa doro saka tinoyambira kuti vanosungwa, votorerwa marezenisi ekuita basa.”

Asst Comm Nyathi vanoti mapurisa achange ari munzvimbo dzose dzenyika vachichengetedza mutemo.
“Hatidi kunzwa vaye vanozoti mavara azerevhu kana vasungwa, musafarise uye chengetedzai mari yenyu nekuti upenyu hwakaoma. Ukagara kumba kwako unochengetedza mari neupenyu hwako,” vanodaro.
Vanoyambira vemachechi vane katsika kekuda kuungana vachiita magungano ekupera kwegore haasi kutenderwa.

“Vemachechi tinoziva kuti kune dzimwe nhubu dziri kuronga kuzoungana vachifunga kuti havaonekwe nemapurisa. Tinoti mapurisa ariko uye tinotarisira kuti vanhu vachatevedza mitemo yose,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoyambirawo ruzhinji kuti vazvichengetedze zvichitevera kuwanda kuri kuita nyaya dzemakororo anoba akapakata zvombo.

“Panguva yezororo iyi tinoyambira vanhu kuti vasiyane nekufamba husiku kana kurara vakarindira Goredzva nekuda kwemitemo yecurfew. Vanhu vanogonawo kusangana netsaona dzemakororo zvisinei nekuti mapurisa vari kuita basa ravo zvizere vachivasunga. Izvozvi takasunga vamwe kuMarondera, kuMacheke, Norton nekumwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kune vari kushandiswa nemakororo aya kutsvaga vanhu vane mari uye nekuronda mafambiro avo.

“Tinoyambira vanhu kuti vasabvume kushandiswa nemakororo kutsvaga vanhu vane mari – mungava, mudzimba dzavo kana mukufamba kana muzvitoro. Tinokurudzira vanhu kuti vachengetese mari yavo kumabhanga.”

Asst Comm Nyathi vanokurudzira zvakare vafambi kuti vasiyane nekukwira mota dzemushikashika.

“Fambai nemabhazi ari kubvumidzwa emaZUPCO kwete mishikashika nekuti pane zvakawanda zvinoitika zvinosanganisira kubirwa, kubatwa chibharo kana kupondwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links