Tevedzai tsika, magariro akanaka: President

29 May, 2023 - 21:05 0 Views
Tevedzai tsika, magariro akanaka: President President Mnangagwa vaina ZANU PF Vice President and Second Secretary Cde Kembo Mohadi vachinakidzwa nekuridza ngoma, iyo inozivikanwa nekuti Buntibe, pakuparurwa kweNational Cultural Month pachikoro cheKariyangwe High School chiri kuBinga. - Mufananidzo naEliah Saushoma

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUTUNGAMIRI wenyika President Mnangagwa vanokurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvidade netsika nemagariro avo uye kuti vasatevedze tsika dzekunze sezvo izvi zvichikanganisa nyika.

Vakataura mashoko aya kuzviuru nezviuru zvevanhu pagungano rekupemberera mwedzi wetsika (National Cultural Month) nemusi weMugovera pachikoro cheKariyangwe High School, kwaMambo Siansali, kuBinga.

“Patiri kupemberera mwedzi wetsika, ndinokurudzira vagari vemunyika yedu kuti vacherechedze uye vararame zvinoenderana netsika dzedu dzinosanganisira hunhu, rudo, ruremekedzo, kushanda nesimba, kushivirira, rukudzo nekuzvibata. Kuchengetedza tsika nemagariro edu kunoda kuti tichengete ubuntu/hunhu kuitira kuti tigadzirise huipi uye matambudziko ari kukanganisa vechidiki vedu.

“Zvinodhaka, kushandiswa kwezvinodhaka, hunhubu, kusazvibata nekusaremekedza vechikuru kunoitwa nevechidiki zvinokanganisa hunhu neramangwana renyika yedu,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti vechidiki vapindewo mumhemberero dzeNational Cultural Month, vachiti zvirongwa zvakaita semabiko emudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa zviri kubatsira zvikuru mukusimudzira tsika nemagariro evanhu.

“Nharaunda yose inofanira kufambisa hunhu hwatakasiirwa nemadzitateguru edu. Hatimbofaniri kunyara kurera vana vedu semarererwo atakaitwa. Zvirongwa zvakaita seNhanga/Gota/Ixhiba nekubika zviri kutungamirwa naAmai Mnangagwa, izvo zvinosimbisa tsika nemagariro edu, zvinofanirwa kutsigirwa kuti zvipararire munharaunda dzedu,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti mhemberero dzemwedzi wetsika dzinobatsira kuratidza kupfuma kwetsika dzakasiyana kubvawo kumarudzi akasiyana-siyana.

Izvi, vanodaro President Mnangagwa, zvinobatsira nyika “kunzwisisana uye kukurudzira rugare nekubatana”.

Vanoti zvakakosha zvikuru kuti mwedzi weNational Cultural Month uparurwe kuBinga sezvo iri nzvimbo ichiri kutevedzwa tsika zvizere uye inodada nemutauro weBaTonga.

“Kutaura nendimi dzedu dzechivanhu sevanhu vemuAfrica kwakakosha zvikuru mukuzadzikisa budiriro yemagariro neupfumi pamwe nekuvaka Zimbabwe neAfrica yatinoda. Bumbiro redu renyika rinocherechedza mitauro gumi nemitanhatu, kusanganisira wemasaini. Tinofanira kutaura mitauro yedu uye kusimudzira kuchengetedzwa kwayo nekudzidzisa, pamwe nekuishandisa mumatunhu ose.

“Vana vedu nevechidiki vanofanira kudzidziswa kutaura uye kudada nemitauro yedu yemuno,” vanodaro President Mnangagwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey