‘Tevedzerai mitemo  yekurwisa Covid-19’

12 May, 2021 - 16:05 0 Views
‘Tevedzerai mitemo   yekurwisa Covid-19’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti iri kushungurudzika zvakanyanya nekusatevedzerwa kuri kuitwa matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 neveruzhinji nekudaro vabati vezvemutemo vachasimbaradza ongororo yekuona kuti mitemo yekurwisa denda iri yatevedzerwa nemazvo.
 Vachitaura nevatori venhau nemusi weChipiri mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti vanhu vakawanda vari kutaridza kushaya hanya nekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.
“Hurumende iri shungurudzika zvikuru nekuwanda kuri kuita vanhu vasiri kutevedzera mitemo yakatarwa yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatevedzere mitemo iyi, zvikuru kupfeka mamasiki kana vari panzvimbo dzinosangana vanhu, kusaita chitsoko-tsoko uye kushandisa sanitizer nguva nenguva,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Vabati vezvemutemo vachasimbaradza ongororo yekuona kuti   mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 yatevedzwa.”
Vanoti Hurumende iri kushushikana zvakare nekuwanda kuri kuita makombi ari kutakura vanhu zvisiri pamutemo izvo zvine njodzi yekukonzera kupararira kwedenda iri sezvo vemakombi aya vasingatevedzere mitemo yakatarwa.
“Mapurisa eZimbabwe Republic Police neveTraffic Safety Council of Zimbabwe (ZTSC) vacharamba vachisimbaradza ongororo yavo zvichitevera kuwanda kuri kuita makombi asina kunyoreswa zviri pamutemo ari kutakura vanhu mumaguta.
“Varidzi vemotokari idzi vanokurudzirwa kuti vanyorese neZUPCO uye votevedzera nemazvo mitemo yekufamba mumigwagwa neyekudzivirira kupararira chirwere cheCovid-19 nechinangwa chekuti vafambi vasanonotswe panzendo dzavo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti mamiriro ezvinhu pari zvino akadzikama muzvikoro maringe nenyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
“Muchikamu chedzidzo yepuraimari nesekondari, vose vakange vabatwa neCovid-19 kuzvikoro zvinoti Prince Edward, Sacred Heart neBonda Mission vakatopona. Vakawanda vevakabatwa nechirwere ichi kuzvikoro zviri kupurovhinzi yeBulawayo kubvira pakutanga kwetemu ino vakapora, kusara kwevashoma-shoma chete,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
 Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 38 488 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.
Pavarwere ava, 38 488 vakatopona asi vamwe 1 579 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 539  526 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 170 246 vange vabaiwa epiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey