Tevedzerai mitemo: ZRP

22 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Tevedzerai  mitemo: ZRP Inspector Tendai Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) mudunhu reHarare vanoti vari kushushikana zvikuru nekuda kwevanhu vasiri kutevedzera mitemo ine chekuita nekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoti kune vanhu vakawanda vari kuonekwa vasina kupfeka mamasiki kana kusaapfeka zvakanaka vachiarembedza pazvirebvu nemuhuro.

“Tine vanhu vakawanda vari kusungwa nemapurisa vawanikwa vachityora mitemo ine chekuita nedenda reCovid-19. Dambudziko iri rakawedzera kubva pakanyevenutswa mitemo ine chekuita neCovid-19 nemutungamiri wenyika.

“Tave kuona vamwe vanhu vachitofamba vasina kupfeka mamasiki uyewo mutemo wekufamba kana kugara vanhu vakatarangana hauchatevedzwa sezvo vamwe vave kuita chitsokotsoko. Nerimwe divi, vedzimotokari vemishika-shika tiri kuonawo vakapatikidzira vanhu mudzimotokari dzavo kunyangwe vemarori chaivo,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoyambira veruzhinji kuti Covid-19 ichiriko nekudaro zvakakosha kuti vanhu vatevedzere zvose zvinoda kuitwa kuti chirwere ichi chisapararire.

“Vemishika-shika tinovayambira kuti havana kumbobvira vakabvumidzwa kutakura vanhu kubva kare. Kunyangwe vemakombi vari kuonekwawo vachitakura vanhu, mutemo hauvabvumire kuita izvi sezvo iri mhosva huru nekudaro vanosungwa vobhadhariswa mari kana kuendeswa kumatare edzimhosva uko vanopihwa zvirango,” vanodaro.

Insp Mwanza vanoti munhu wose ane danho raanofanirwa kutora mukudzivirira kwekupararira kwedenda iri.

Vanokurudzira veruzhnji kuti vatakurwe nemabhazi uye nemakombi ari pasi pekambani yeZUPCO sezvo ndiwo chete ari kutenderwa kutakura vafambi panguva ino.

“Kune vemakombi nemabhazi vanoda kutakura vanhu, ngavaende kumahofisi eZUPCO vonotaurirwa zvekuita kuti vapihwe matsamba ekukwanisa kutakura ruzhinji zviri pamutemo. Kune vanokwira motokari dzemishikashika, pane tsaona yekuti vamwe vari kuguma vabirwa mari nemimwe midziyo nembavha dzinonyepera kutakura vanhu.”

Vanoyambirawo vemachechi vasiri kutevedza mitemo yakatarwa nechinangwa chekudzivirira Covid-19 kuti vanosungwa.

Pari zvino huwandu hwevanhu vari kutenderwa kupinda muchechi i100 uye vanofanirwa kunge vakabaiwa majekiseni ose, rekutanga nerechipiri, ekudzivirira denda iri.

“Kune mamwe machechi tiri kuona vanhu vachidarika 200 iwo mutemo uchitendera vanhu zana chete uye pane vari kurara kumachechi vachityora mitemo yecurfew. Ngatitevedzei mitemo yose yeCovid-19, vanowanikwa vachityora mitemo iyi vanosungwa vopihwa zvirango zvavo,” vanodaro Insp Mwanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>