Tevedzerai zvataurwa nachiremba: Svondo

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views
Tevedzerai zvataurwa nachiremba: Svondo Rev Lindani Dube

Kwayedza

cathrinePANOTAURWA mashoko vamwe vanoteerera nekuita zvavanzwa asi vamwe vanoedza kurwisana nazvo nekuti vanenge vane zvavo zvavanobvuma kuti ndizvo nyangwe mumwoyo vachiziva kuti uku ndokupinda nemwenje mudziva.
Nyangwe tikapesana nedzidziso yechokwadi chandinoziva ndechekuti shoko harivhikwe hazvinei kuti zviri kubuda mumukanwa memunhu waunozvidza, chokwadi ichokwadi chete uye chataurwa chinotopinda munzeve chigogara muhana ana ndingoveini vava vega vanotogona kuzviteedzera asi mumaziso meavo vavanoda kuti vavatevere vanenge vachiti pamberi nekukurudzira manyepo.

Pakutanga kwemwedzi waChivabvu vakuru vedzisvondo, vachikotsverwa neveNational Aids Council, vakaita musangano wemazuva maviri kwaMutare.

Musangano uyu waiva nevakuru vedzisvondo dzakasiyana-siyana vanosvika 60, tisingasanganisire vakauya nemadzimai kana varume vavo. Masangano emakereke aive nevatungamiriri pamusangano uyu anoti; Zimbabwe Catholics Bishops Conference, Zimbabwe Council of Churches, Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Union for the Development  of Apostolic neZionist Churches in Zimbabwe Africa.

Svondo idzi dziri pasi peZimbabwe Heads of Christian Denominations.
Vakuru vedzisvondo idzi vakataura nezwi rimwe chete vachishoropodza zviri kuitwa nemamwe mafundisi pamusoro penyaya yanetsa yekuti vanhu vanorwara vachirarama nekunwa mushonga kwehupenyu hwese varege kunwa mapiritsi vachinzi vanopona nekutenda chete.

Zvirwere zvakaita seBP, chirwere cheshuga (diabetes), HIV nezvimwewo zvandisina kunyora zvinoda kuti munhu anwe mushonga kweupenyu hwese.

Vatungamiri ava vakakumbirisa kuti machechi ese aregedze vatendi vavo vatevedzere zvinenge zvataurwa nanachiremba pamusoro pehurwere hwavo.

Kune zvakaitika zvakawanda apo mamwe mafundisi vanonamatira vatendi vovati chiregedzai mishonga yese yamakapihwa nanachiremba nekuti maponeswa. Vakuru vedzisvondo ava vakati munamato unofanirwa kubatsira kushanda kwakanaka kwemushonga.

Reverend Lindani Dube vanova General Secretary of the Evangelical Fellowship of Zimbabwe, avo vanovawo nechigaro zvakare muNational AIDS Council Board vakamirira vedzisvondo, vakati kutenda hakurambidzi munhu kunwa mushonga.

“Vedzisvondo vanofanirwa kukurudzira vatendi kuti vatevedzere zvakataurwa nachiremba pakutora mishonga yavo. Chitendero chinorambidza munhu kunwa mushonga wakatarwa zvine ngozi uye hazvitenderwi. Zvishamiso ndezvimwe zvemabasa aMwari mukuita basa rake asi zvinofanirwa kuva mugwara rakanaka rine dudziro, kana munhu achinge aiswa pamushonga nachiremba zvinorakidza kupindira zvine chishamiso. Chiremba chete ndiye ane mvumo yekuti munhu aendere mberi achishandisa mushonga kana kuti kwete naizvozvo vakuru vedzisvondo vanofanirwa kusiya tsika yekurambidza vatendi kusatora mishonga yavo pasina ruzivo asi kuti vanofanirwa kubatsirana nanachiremba muruzivo rwavakapihwa naMwari,” vakataura kudaro Rev Lindani Dube.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links