‘Tevedzerai zvinokurudzirwa’ 

02 Dec, 2020 - 16:12 0 Views
‘Tevedzerai zvinokurudzirwa’  Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza  

HURUMENDE iri kusimbaradza matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19 ayo anosanganisira kuti pagungano ripi neripi vanhu vanenge vakaunganapo vasadarika 100 uye kuti nzvimbo dzinotengeswa chikafu chakabikwa (restaurants) dzinogona kuvhurwa kusvika na8 dzemanheru.

Nzvimbo dzinotengeswa chikafu idzi dzange dzichivharwa na6:30 dzemanheru.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti vanhu vazhinji havana ruzivo pamusoro pehuwandu hwevanotenderwa kuve pamagungano senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Kurerutsa nyaya iyi, Cabinet yawirirana kuti huwandu hwevanhu vanotarisirwa kunge vari pagungano hunofanirwa kuve vanhu 100 zvisinei nekuti vanenge vakaunganira chii. Mimwe mitemo yekuchengetedza utano inonyatsojekesa zvinofanirwa kutevedzwa nevanhu vanenge vakaungana, zvisinei nekuti vangani vakaungana,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Danho iri rinotarisirwa kubatsira vanhu kuti vasatyore mitemo yekurwisa Covid-19 kana vakaungano sepamuchato nekuchechi.

Sen Mutsvangwa vanoti vemabhizimisi anobika chikafu pamwe chete nevatengi vavo vanokurudzirwa kuti vatevedzere mitemo yekurwisa Covid-19.

“Cabinet inotorawo mukana uno kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere mitanho ose akatarwa ekurwisa Covid-19 nechinangwa chekuderedza huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri. Vabati vemitemo vachange vachiona kuti matanho aya atevedzerwa nemazvo,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 10 129 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 8 643 vakatopona asi vamwe 277 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey