Uncategorized

Tevedzerai zvose: Chinoz

13 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
Tevedzerai zvose: Chinoz Cde Chinotimba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho akatarwa neHurumende ekuedza kumisa kutapurirana nekupararira kweCovid-19 zvichitevera kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi zvose nevari kufa.

“Kana iro shoko raMwari chairo rinoti vanhu vangu vaparara nekushaya zivo, zvino munyika muno, kusanganisira kuBuhera South, tine vanhu vanotererera zvikuru. Saka iyambiro yangu kuti titevedzere zvose zvinodiwa kuti tikwanise kurwisa denda iri,” vanodaro Cde Chinotimba.

Cde Chinotimba munaKurume wegore rapera apo pakatanga chirwere cheCovid-19 muno, vakatora matanho ekurwisa denda iri mudunhu ravo ndokusonesera mamasiki vanhu vakawanda vemunzvimbo yavanomirira.

“Pakatanga denda iri mumwedzi waKurume gore rakapera, ndakabva ndatangawo chirongwa chekusonera vanhu mamasiki muBuhera South kusanganisira vadzidzisi nevana vechikoro. Ndaifamba ndomene ndichigovera mamasiki aya ndichiparidza zvinodiwa pakurwisa Covid-19 nekuvapawo masanitiser,” vanodaro Cde Chinotimba.

Vanoenderera mberi: “Tichishanda pamwe chete nehutungamiri hwemuno – masabhuku nemakomiti avo, makanzura, vemabhizimisi, varimisi, veutano nemadzishe – takwanisa kurwisa chirwere ichi kusvika izvozvi. Tinoda kuti tirambe tichifambira mberi nekucherechedza zvose zvinodiwa.”

Vanoyambirawo vemabhizimisi kuti vatevedze nguva dzavanonzi vavhure nedzekuvhara uyewo nekuti veruzhinji vasafambe husiku kubva nenguva dza6 zuva rodoka kusvika 6 mangwanani (curfew).

“Panyaya yecurfew yekuti vanhu vange vasvika kudzimba kubva na6 zuva rodoka kusvika 6 mangwanani, sekuBuhera zvakakosha zvikuru nekuti kwagara kuine mapere anonetsa. Nguva yadarika, takambopihwa ‘curfew’ nemapere nemakava apo taimhanyira kudzimba zuva risati radoka, saka chingatitadzise kunge tava mudzimba munguva inodiwa neHurumende chii?”

Cde Chinotimba vanoti vemabhizimisi vakaita semabhawa ngavatevedzere mitemo yekuti vambomira kushanda.

“Vemabhawa ndinoziva vane nharo, havadi kurega kutengesa doro. KuBuhera kwakawandawo machechi edu epositori uye ndiko kwandinonamata ikoko. Asi ndinoti ngatimbomirai zvedu kuungana Mwari anongotinzwa tiri kudzimba kwedu ikoko uye vamwe kumachechi uku tinovinga makuhwa chete,” vanodaro Cde Chinotimba.

Share This:

Sponsored Links