Uncategorized

Tezvara akafira muroora

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Tezvara akafira muroora

Kwayedza

Chipo Katsidzira
MURUME wekwaMarange, kwaMutare, anonzi svondo rapera akamuka chibhebhenenga ndokuponda baba vake achivatema nedemo apo aivapomera kuti vari kudanana nemudzimai wake uye kuti muroyi.

Webus Muranda Junior (25) ari kunzi akabva atsakatika mushure mekupara mhosva iyi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxon Chananda, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti baba vemurume uyu – avo vainzi Webus Muranda uye vaive nemakore 70 okuberekwa – vakafa nekuda kwekutemwa kwavakaitwa nedemo.

Mapurisa ari kutsvaga Webus Muranda (jnr) nemeso matsvuku.

“Kuferefetwa kwakaitwa nemapurisa kusvika pari zvino kunoratidza kuti murume uyu nababa vake vagara vachinetsana kwenguva yakareba. Aivapomera kuti vanodanana nemudzimai wake uye kuti vanoita mabasa ehuroyi.

“Nemusi wa22 Nyamavhuvhu nenguva dza7 manheru, mwanakomana uyu akaenda kumba kwababa vake akabata demo.

“Akawana baba naamai vake (Getrude Nyashanu) vari muimba yekubikira. Akatanga kupomera baba vake nyaya yekuti vanodana nemudzimai wake uye kuti vanoroya.

“Anonzi akabva atema baba vake kaviri nedemo mumusoro. Apo baba ava vakatiza vachibva muimba yekubikira, iye avatevera. Anonzi akabva avatema zvakare kamwe chete nedemo mumusoro zvikaita kuti vafe,” vanodaro Asst Insp Chananda.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa pakamba yemapurisa yeOdzi.

Asst Insp Chananda vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzinenge dzichinetsa pakati pavo murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey