Tezvara akatungwa nemombe yemukuwasha kubhawa

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Tezvara akatungwa nemombe yemukuwasha kubhawa

Kwayedza

EDWARD NDORO (2)MURUME wekwaMupandira, kwaMusana ari kupepwa maronda aakakuvara apo akateverwa kubhawa kwaainge ari nemombe dzemukuwasha wake ndokusvikotungwa zvekutopona nepaburi retsono.
Mombe dzemumwe mukuwasha idzi dziri kufungirwa kuti dzainge dzabatwa nechimbwamupengo apo dzakaenda panzvimbo yemabhizimisi paMupandira, dzikanopedzerana natezvara wemuridzi wadzo, uyo akadzingirirwa dakara abatwa ndokutibvurwa kutungwa zvekusara akuvara muviri wose.

Sadunhu wenzvimbo iyi, uye aivewo panzvimbo iyi akatungwa ndokukuvara.

Muchiitiko chisiri kunzwisisika kuvagari vekuBindura ichi, vanhu vakasara vasina nechekutaura apo mombe mbiri dzemukuwasha dzakatevera tezvara kubhawa ndokunomurwisa pamwe chete nasadunhu zvekuvasiya vava kupepwa maronda.

Pane mashoko anoti mombe idzi dzainge dzamborumwa nembwa ine chimbwamupengo.

Bhaisikopo remahara iri rakaitika masikati machena svondo rakapera paseri.

Imwe yemombe idzi inonzi yakasvika pavharanda perimwe bhawa paive nevanhu vainwa doro ndokusvikotanga kutunga Sabhuku Ndoro, VaEdward Ndoro (74), avo vanova tezvara wemuridzi wemombe idzodzi, Nicholas Tandi.

Nicholas mukuwasha kwaVaNdoro.

Mombe dhonza inonzi yakatanangira sabhuku ava ichivatunga, ivo vachingoridza mhere ichibva yazopunzikira pamusoro pavo ichidzvova.

Chiitiko ichi chinonzi chakatora chinguvana apo mombe iyi yakazoita seyafa, pashure ikazomuka ichimhanya ndokuedza kutunga sadunhu wenzvimbo iyi, VaBenard Chikowore (80).

Sadunhu ava vanonzi vakapunzirwa pasi ndokubva mombe iyi yavatanangira uye vakazoibata nyanga ndokutanga kurwisana nayo.

Sadunhu vakazonunurwa nemhomho yevanhu vaivapo, avo vakaimomotera, vamwe vachidhonza muswe nekuirova kusvikira yatiza.

Vose vaviri ava vakatsinhira kurwiswa kwavo nemombe.

Mashura aya akaitikira pabhawa repaDube, apo vanhu vakaita bararamhanya vamwe vakarasa doro ravainwa vachitiza.

Sabhuku Ndoro vakaratidza Kwayedza maronda epamuromo neparuwoko ekukuvadzwa nemombe iyi ayo avachiri kurapwa.

Musi mumwe chete uyu, bhuru remudanga rimwe chete iri, rinonzi rakazoenda pamusiwo werimwe bhawa raiva rizere nevanhu rikasvikodzvova. Zvidhakwa zvaivemo zvakaita hushamwari nemhepo zvichibuda nekumusiwo wekuseri zvichitya kutungwa.

Bhuru iri rinonzi rakazobva apo vanhu vakanga vadzvamuka kutiza.

Ruzhinji rwemunzvimbo iyi rwunofungidzira kuti nyaya iyi ine chekuita nechivanhu kana kuti mishonga.

Mombe idzi dzisati dzasvika pataundishipi iyi, dzinonzi dzakatanga nekutandanisa vanhu vaiva kumapindu vamwe ndokupona nekukwira mumiti.

Pane mashoko anoti mombe idzi dzakange dzabatwa nechimbwamupengo zvichitevera kurumwa kwadzakamboitwa nembwa dziri mudanga.

Mombe idzi dzinochengetwa naZacharia Tandi, uyo anova mukoma waNicholas sezvo muridzi wadzo achigara kuHarare.

Nyaya yemombe idzi inonzi yakatosvitswa kubazi reDepartment of Veterinary Services kwaNyava kuti dziongororwe.
Sabhuku Ndoro, vakati kutungwa kwavo nemombe dzemukuwasha chishamiso kwavari.

Sabhuku Ndoro vanotiwo vakashandisa mari inodarika US$300 pakurapwa kwavo.

Mudzimai wavo, Mai Jane Ndoro (72), vakati aya aive mashura chaiwo.

“Baba vakararama nenyasha dzaMwari, ndivo vakasvikonangwa nemombe yemukuwasha ndokutungwa.

Ndakazoshevedzwa, ndikaendako ndokuwana vakuvara,” vakadaro Mai Ndoro.

“Baba takazovamhanyisa kuchipatara kuHarare apo vakanorapwa, vakakuvara muromo neruwoko. Pavakapunzirwa pasi nekutsitsirirwa nemombe iyi yakatora nguva yakavatsimbirira ndokuzomuka ichimhanya kunorwisa Sadunhu VaBenard Chikowore.”

Sadunhu Chikowore vakati vakapotsana nerufu panguva iyi.

“Mombe iyi yakauya kwandiri seyatumwa ichipengereka ikandipunzira pasi. Yakanditanangira ndikaibata nyanga dzayo kuti ndisatungwa. Handizive kuti simba rakabva kupi, vanhu vakanga vari panzvimbo iyi vakazomhanya kuidhonza muswe nekuirova nematombo, mabhodhoro ndokuzotiza kwayakaita.

“Ndakabva ndataurira varidzi vemombe iyi kuti iuraiwe, yopiswa sezvo paiva nemashoko ekuti yakanga yarumwa nembwa izvo zvinofungirwa kuti zvaiva zvaipa denda rechimbwamupengo,” vakadaro Sadunhu Chikowore.

“VekwaTandi vakati vakaenda nemombe iyi kuVeterinary Services, ikanovhenekwa kuti yaiva nechirwere vachibva vaiuraya nyama yacho ndokuipisa. Asi ndakazonzwa zvakare vachiti vaenda nayo ku(zita reimwe lodge) kunopa nyama yacho kumhuka dzesango, ndikanzwa zvakare vanhu vachiti mombe iyi yakatengeswa kumabhucha ekuDenda.

“Nyaya yacho inofanirwa kutongwa sezvo mombe yavo yakanditunga pamwe chete naVaNdoro, vanofanira kuripa,” vakadaro.

Muhurukuro naVaAlexander Nyamvura vekwaSabhuku Shangwa, avo vakati vaiva neruzivo rwekutengeswa kwakaitwa mombe iyi, vakati mombe iyi yakatengeswa kumabhucha ekuDenda.

“Ndakanzwa zvakare vachiti imwe yacho vanoda kuiuraya, nyama yacho yonobikwa kumuchato,” vakadaro VaNyamvura.

“Mombe yavakatengesa iyi inogona kurwarisa vanhu vakatenga nyama yacho.”

Mwana waVaZacharia Tandi, Fadzanai Tandi, akatsinhira kuti mombe iyi vakaitengesa kune vemabhucha kunyangwe zvazvo yakanga yanzi neveVeterinary Services ine chirwere.

“Kutengesa kwatakaita mombe iyi taitodawo mari nekuti hazvaigona kuti tingouraya mombe yopiswa, mombe dzakarumwa nembwa imbiri dzemudanga redu,” akadaro Fadzanai.

Zvichakadaro, Dr Chenjerai Njagu, avo vanova Deputy Director (Epidemiology) kuDepartment of Veterinary Services, vanoti chimbwamupengo chirwere chinouraya nekudaro zvakakosha kuti vanhu vamhan’are kumahofisi avo kana vachinge vasangana netsaona dzakadai.

“Kana mhuka ikaita hunhu husinganzwisisike semombe inomhanyisa vanhu inenge yatobatwa nechirwere. Mutemo wedu unoti panofanirwa kuti mhuka ivhenekwe kuona kuti haina kubatwa nechirwere here.

Chimbwamupengo chinofamba netsinga muropa uye hazvibvumidzwe kupa dzimwe mhuka kana dzesango nyama ine chimbwamupengo nekuti dzinobatira chirwere ichi. Kana vasina kumhan’ara nyaya iyi imhosva, vanosungwa,” vakadaro Dr Njagu.

Share This:

Sponsored Links