Uncategorized

TEZVARA AMITISA MUROORA . . . kwatova nekamwana ‘. . . baba vakandipindira’

15 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
TEZVARA AMITISA MUROORA   . . . kwatova nekamwana ‘. . . baba vakandipindira’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoratidza kurasika kwetsika dzechivanhu, tezvara nemuroora vekwaChireya, kuGokwe, vari kubuda pachena kuti vakasangana pabonde zvekusvika pakuitisana mwana uyo atova nemwedzi minomwe azvarwa.

Nyaya iyi yatova mudare raMambo Chireya, muroora ane makore 21 okuberekwa uyu (zita hatiriburitse sezvo pachiita sepane kakumbunyikidzwa) ari kudura kuti akasangana natezvara vake (zita tinarowo) pabonde, ndokubata mimba kukatozvarwa mwana.

Svondo rapera, vaviri ava vakamiswa mudare raMambo Chireya, ndokubvuma kuti vakaita makunakuna.
Nemusi weSvondo wadarika, muroora uyu akawanikwa neKwayedza ari mudare ramambo zvakare ndokuita kuimba chaiko achitsanangudza nyaya yake natezvara ava.

Muroora uyu akaroorwa nemwanakomana mbune watezvara ava uyo anonzi anoshandira kuSouth Africa.
Muroora uyu anoti akaroorana nemwanakomana watezvara ava mugore ra2019, ndokuita mwana wavo wekutanga.
“Ndakaita mwana wangu wekutanga nemurume wangu taita zvekumitisana ndokuzotorana mugore ra2019. Asi murume wangu uyu akaramba mwana uyu achiti handi wake ndokubva azoenda kuSouth Africa achindisiya pamusha pavo ndigere navatezvara navamwene,” anodaro muroora.

Anoti vamwene vake vakazoteverawo kuSouth Africa ndokumusiya ogara navatezvara pamusha apa.
“Sezvo murume wangu aiti mwana wekutanga aisava wake, akaudza baba vake kuti vandidzinge ndidzokere kumba kwedu. Vakambondibvisa mumba ndikatanga kurara muzumbu pamwe chete nehuku,” anodaro muroora.

Anoti akazodzokera mumba ava kurara oga mune imwe imba, vatezvara vake vachirarawo voga.
“Vatezvara vangu vakazotanga kuuya mumba mandairara vachiita bonde neni kusvikira ndakazobata pamuviri pemwana wandakabata uyu. Ichokwadi, mwana wandakabara uyu ndewatezvara vangu, kwete wemurume wangu.
“Ini handivade tezvara ava, ndinoda murume wangu. Ivo vatezvara vakandimanikidza kurara navo,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti vamwene vake vakazodzoka kubva kuSouth Africa, nyaya yekudanana kwake navatezvara ichibva yabuda pachena, zvakazoita kuti adzingwe pamusha akadzokera kumba kwevabereki vake uko kwaari kugara.

“Ndakadzingwa pamba pavatezvara navamwene vangu ndikadzokera kumba kwedu. Murume wangu achiriko kuSouth Africa uye anotiwo haachandida nekuda kwenyaya iyoyi. Ava kuti zvakare mwana wekutanga ndewavatezvara ava asi handizvo. Tezvara ava handichasangana navo, zvakapera kare,” anodaro muroora.

Sekuru vemuroora uyu, baba wababa vake, avo vaivawo mudare raMambo Chireya, vanoti havachada kuti muzukuru wavo adzokere kumba kwemhuri iyi.

“Chokwadi baba nemwana kuita muzukuru wangu sadaka ‘party’ chaiyo? Zvinondirwadza. Handichada kuti adzokere ikoko zvakare asi vanofanirwa kuchengeta vana vavo vaviri ava, wemwanakomana wavo newatezvara.

“Ndinotenda kuti dare ramambo wedu Chireya rakatura mutongo waro kare uyo tinogutsikana nawo,” vanodaro sekuru ava.
Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (48), vanoti nyaya iyi yakatanga kupinda mudare ravo svondo rakapera apo tezvara nemuroora vose vaivepo vakabvuma kuti vaidanana uye kuti vakatoita mwana vose.

“Muroora akabvuma kuti aidanana navatezvara, ivo tezvara vakabvuma zvakare. Ndakamubvunza kuti aiva tezvara werudzii anoita bonde nemukadzi wemwana wake, achifemera panofemera mwana wake? Munhu akadai anoguma auraya mwanakomana wake achida kuwana mukana wekudanana nemuroora.

“Aya makunakuna anototyisa, tezvara ava ndakavati varipe mombe nhatu dzinotsika,” vanodaro Mambo Chireya.
Vanoti pamombe idzi, imwe inodyiwa nevemhuri yekumudzimai uyu, imwe yopihwa kumasvikiro yekupfupa dunhu ravo uye imwe yopinda mudanga ramambo yekuchenura nyika kuti mvura inaye mudunhu mavo uye kuti musaitike mashiripiti.
“Muroora uyu takamuti haafanirwe zvakare kuonekwa vari vose natezvara ava kana kuenda kumba kwavo. Inyaya yakabuda pachena kuti vaviri ava vadanana kwenguva refu, dzimwe nguva mwanakomana uyu asati aenda kuSouth Africa.

“Tinoyambira vanhu kuti vatevedzere tsika dzechivanhu kwete kurarama semhuka sezvakaitwa neava,” vanodaro Mambo Chireya.

Share This:

Sponsored Links