‘Third wave ichiri muno’

09 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
‘Third wave  ichiri muno’ Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vakangwarira panyaya yekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 uye vasavarairwa zvichitevera kunyevenutswa kwematanho ekurwisa denda iri kuitira kuti chikamu chechitatu chechirwere ichi (third wave) chisakanganise utano hwevanhu pamwe nenyaya dzebudiriro yemabhizimisi munyika.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kunyangwe zvazvo pari zvino paine kudzikira kwenyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe chete nevari kufa, veruzhinji vanofanirwa kuramba vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende uye nesangano reWorld Health Organisation ekurwisa denda iri.

“Cabinet inoda kukurudzira nyika kuti irambe yakangwarira panyaya yekuzvidzivirira uye nekuona kuti chikamu chetatu cheCovid-19 hachirambe chichikanganisa utano hwevanhu nekusimukira kwemabhizimisi. Zvinofadza kuona kuti pane kudzikira kwehuwandu hwevarwere veCovid-19 vanoda kupihwa mibhedha muzvipatara kubva pachikamu che14,5 percent kuenda pa10 percent svondo rapera,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Nemusi weChipiri svondo rino, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakazivisa nezvekunyevenutswa kwematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2.

Vanoti izvi zvinotevera budiriro yaitwa mukuedza kumisa kupararira kwedenda iri munyika muno.

Izvi zvakabva zvaita kuti nguva dzekuvhurwa nekuvharwa kwemabhizimisi dziwedzerwe.

Vemabhizimisi vave kuvhura na8 dzemangwanani kusvika 7 dzemanheru uye nguva isingatenderwe vanhu kufamba (curfew) yava kutanga na10 dzemanheru kusvika na5:30 dzemangwanani.

Pasi peLevel 4, vemabhizimisi vaivhura na8 mangwanani kusvika 3:30 masikati uye nguva yaive isingatenderwe vanhu kufamba yaitanga na6 dzemanheru kusvika 6 mangwanani.

Mabhazi anofamba pakati pemadhorobha ave kutenderwa apo zvitoro zvinotengesa doro nezvimwe zvinwiwa zvichatengesa kune vanhu vasingarinwire panzvimbo idzi kubva na10 mangwanani kusvika na4 masikati.

Asi mabhawa acharamba akavharwa.

Mumabasa, vashandi pari zvino vave kutenderwa chikamu che50 percent kusiyana nakare apo paitenderwa vashoma kudarika apa nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Vanhu vava kutenderwa kuungana havafanirwe kudarika 100 asi vanofanirwa kutevedza matanho ose ekudzivirira kutapurirana Covid-19 sekupfeka mamasiki nemazvo uye vasina kuita chitsokotsoko.

Matanho matsva aya achange aripo kwemasvondo maviri anotevera.

Kunyevenutswa kwematanho aya kunotevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa pamwe nevari kufa.

Hurumende ine zvirongwa zvakasimbarara zvairi kuita yakabatana nemamwe mapoka mukurwisa denda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey