Ticha akabvisa mwana wechikoro hembe

29 Oct, 2019 - 15:10 0 Views

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti riri kuita ongororo yenyaya yemwanasikana anodzidza Fomu 1 paLukosi Secondary, kuHwange, uyo anonzi akamanikidzwa kuti abvise hembe dzake ndokusara ari musvo nemutevedzeri wemukuru wechikoro ichi apo vamwe vana nematicha vaimuonerera.

Mai Posenta Kwidini, avo vanodzidzisa Mathematics pachikoro ichi, vari kunzi vakati mwana uyu akumure hembe dzaainge akapfeka mushure mekumupomera kuti akange asina kupfeka zvakanaka.

Anonzi akabvisiswa siketi yake panguva yezvidzidzo zveFashion and Fabrics apo paive nevamwe vana nevaraidzi vaviri vechikadzi.

Izvi zvinonzi zvakaitika svondo rapera apo mwana uyu akazomhan’ara nyaya iyi pakamba yemapurisa yeHwange Police Station uko akaperekedzwa nevabereki vake nevamwe vemunharaunda.

Vakuru vepachikoro apa vanonzi vainge vavigiridza nyaya iyi.

Hwange District Schools Inspector (DSI), VaGermination Moyo, vanoti vakaudza mukuru wechikoro ichi kuti aongorore nyaya iyi uye kuti azotumira gwaro rezvaanenge awana kwavari.

Mwana uyu anoti aifamba muchikoro ichi apo Mai Kwidini vakamushevedza.

“Ndaifamba ndichienda kubhuroko kwatinodzidzira Agriculture apo ndaigadzurudza siketi yangu sezvo ndaibva kuchimbuzi. Mutevedzeri wemukuru wechikoro akabva andishevedza achiti ndiuye kuFashion and Fabrics laboratory uko aiva nemamwe maticha. Akandibvunza kuti sei ndainge ndakavhura siketi yangu ini ndokumuudza kuti ndaipfunyira bhurauzi mukati,” anodaro mwana uyu.

Anoti Mai Kwidini vakamuudza kuti abvise siketi yake iye ndokumboramba asi akazobvuma mushure mekunge vamutyisidzira vachiti vaizomurova.

“Ndakavhura zipi siketi yangu ichibva yadonhera pasi. Ndakaramba ndiri musvo kwemaminitsi anodarika mashanu,” anodaro mwana uyu.

Anoti akazopfeka mushure mekunge mumwe murairidzi aivepo amuudza kuti apfeke apo foni yaMai Kwidini vainge vachimbotaura panhare.

Achichururuka misodzi pamatama, mwana uyu akafamba kuenda kukirasi yaanodzidzira apo akaunganirwa nevamwe vaanofunda navo vachimunzwira urombo nezvaakange aitwa.

Mai Kwidini vanoti hapana zvavanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo iri mumaoko emapurisa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Sergeant Namatirai Mashona, havana kubatika kuti vataure mamiriro enyaya iyi.

Mapurisa akashanyira chikoro ichi nemusi weChishanu chadarika ndokuita hurukuro nevamwe vana avo vanoti mutevedzeri wemukuru wechikoro uyu ndiko katsika kake kekuvashungurudza.

Share This:

Sponsored Links