Uncategorized

Ticha akapondwa nemakorokoza

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Ticha akapondwa nemakorokoza Insp Mabgweazara

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MUDZIDZISI wekuMsengezi, kuChegutu, anonzi akapondwa nemakorokoza pamberi pemudzimai nevana vake panzvimbo yeUhuru-Nakazi Shopping Center musi weKirisimasi.Maxwell Muzhangiri (32)— uyo aidzidzisa paMbasa Primary School — anonzi akapondwa nemakorokoza mushure mekunge avatsiura kuti vasavhetemesa motokari yavo panzvimbo yemabhizinesi pakange pazere vanhu sezvo zvaigona kukonzeresa njodzi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Province, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti mutyairi wemotokari iyi — Chamunorwa Matere — anonzi aivhetemesa mota yake iyo yakange isina nhamba pureti panzvimbo yemabhizimisi iyi.

Muzhangiri anonzi akamupa yambiro yokuti zvokuvhetemesa motokari panzvimbo izere vanhu zvine njodzi yakakurisa kuruzhinji.

Insp Mabgweazara vanoti izvi zvakagumbura Marete uyo akabva avirima nehasha ndokubva atanga kudira hwahwa hwake kuna Muzhangiri achiburuka mumota akabata banga ndokutanga kumudzingirira sezvo akanga ava kutotiza.

“Shamwari yaMarete inonzi Basis Bvaka anonzi akatora zibanga rebhamba (machete) kubva mumota yeToyota Avensis ndokuti tande akananga kuna Muzhangiri apo akasvika achibva angomutema musoro zvine simba. Ipapo Muzhangiri akaita chironda ndokutanga kujuja ropa zvakanyanyisa,’’ vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu vakanga vakaungana pashopping center iyi vakaedza kuda kubata Marete neshamwari dzake asi vakakundikana sezvo vaive vakapakata mabhamba, mapanga nematemo vachidzingirira vanhu vose vaivepo.’’

Muzhangiri anonzi akazoendeswa kukiriniki yeMsengezi uko akosvikopfuudzwa kuChegutu District Hospital uye ndokuzodarikidzwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko akazonofira.

Mudzimai wake ndiye akazonomhan’ara nyaya iyi kuChegutu Police Station.

Dzimwe nhubu dziri kufungidzirwa kuti dzaive pachikwata ichi dzinonzi ndiTimothy Shamu nemumwe ari kungozivikanwa saTarget uye vose vari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku.

Mumwedzi waGunyana gore rapera, vanhu gumi vemudunhu reMashonaland West vanonzi vakafa nekupondwa uyewo munaMbudzi wegore rimwe chete iri, nyaya dzekupondana dzinonzi dzakawedzera nechikamu che81,9 percent.

Share This:

Sponsored Links