TICHA ANE CHIPO

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
TICHA ANE CHIPO Mai Roseweter Mudarikwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI asingaone — uyo anove mukuru wechikoro cheMushandike High, kuBuchwa, kuMberengwa — ari kuita zvinorova kuburikidza nekudzidzisa vana veA-Level avo vanoona.

Mai Roseweter Alice Mudarikwa vanofundisa vana veA-Level vari kuita zvidzidzo zveCommunication Skills.

“Ndakatanga ndichifundisa vana, asi ndikazokwidziridzwa kuve mukuru wechikoro uye ndinofara zvikuru kuti ndinoshanda nevamwe vanhu vanoona. Ndakaita dzidzo yangu muzvikoroo zvevanoona saka zvakandipa shungu dzekuti ndingoitawo semunhu anoona mune uye ndinofara kuti ndakawana mikana yekufamba kunyika dzakawanda nekuda kwechipo chiri mandiri chekugona kutaura pane veruzhinji maringe nenyaya dzinobata upenyu, zvikuru hwevakaremara,” vanodaro. Vanoti mumhuri mavo ndivo bedzi vanorarama nehupofu.

“Ndakakwanisa kutaura pamisangano mikuru seyeUnited Nations (UN) neAfrican Union (AU). Ndiri sachigaro wesangano reNetwork of African Women with Disabilities (NAWWD).

“Kupinda mumisangano yakasiyana nekupihwa zvigaro zvepamusoro kwakandisimudzira chipo changu. Ndine dhigirii reBachelor of Arts randakaita neUniversity of Zimbabwe, neDiploma in Special Education, ndikaita zvakare kosi yeSenior Management neUniversity of Pretoria, kuSouth Africa kuchizoti Masters in Development Studies neWomen’s University in Africa,” vanodaro.

Mai Mudarikwa vanoti vana vavanofundisa vanovaterera zvisinei nekuti havaoni.

“Vana vandinofundisa ndinotoona kuti vanopasa vose, hapana anondidherera uye ndinotenda Hurumende nekuti inotipa vabatsiri asi kazhinji kacho vanotobatsira pakumaka basa nekuti zvizhinji ndinoita ndega. Kunyangwe mubatsiri asipo, handiomerwi sezvo ndichingoita basa semazuva ose. Ndingatoda bedzi kubatsirwa mukuisa basa rangu mukombiyuta asi ndinenge ndatorirova ndega,” vanodaro.

Vanotenda zvikoro zvepamusoro zvavakafunda pamwe nemisangano yavaipinda yemuno nekune dzimwe nyika iyo yakaita kuti vave nehunyanzvi hwepamusoro.

“Handingati chipo ichi ndechekuzvarwa nacho, asi kuti ndakafunda muzvikoro zvine hunyanzvi uye ndakawaniswa mikana yekutaura pamberi pechaunga pamisangano mikuru zvinova zvaibatsira mukuumbiridza chipo changu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey