Ticha arova mumwe ticha vamwe vachiona

03 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Ticha arova mumwe ticha vamwe vachiona

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUDZIDZISI wepaKanetowa Primary School, kuGokwe South, uyo akarova mumwe wake mamwe maticha achiona zvichitevera kusanzwisisana kwavakaita, akapona neburi retsono kupika jeri apo akabhadhariswa faindi ye$15 000.

Douglas Mundandi (42) akabhadhariswa faindi nemutongi wedare reGokwe Magistrate Court, VaHillary Ndlovu, mushure mekubatwa nemhosva yekurova Godfrey Takavada.

Muchuchisi VaMalvin Nzombe vakaudza dare kuti nemusi wa29 Gumiguru nenguva dza11 mangwanani, Takavada akaita musangano nevamwe vadzidzisi vachizeya nyaya dzine chekuita nebasa ravo. Mundandi akapindawo musangano iwoyo.

Dare rakanzwa kuti musangano uyu pawakapera kuma12:30 masikati, Takavada akabva akumbira kusangana naMundandi pamwe nenhengo dzedisciplinary committee yepachikoro apa.

Takavada akaudza Mundandi nezvechichemo chakanga chabva kumubereki wemumwe wevana vake uyo anonzi akanga asiri kufara nemafambisirwo aaiita basa rake.

Zvisinei, izvi hazvina kufadza Mundandi uyo akatsamwa akabva abuda mumusangano uyu.
Akazodzoka akabata dombo raaida kushandisa kupwanya musoro waTakavada naro. Akazodziviswa nemumwe mudzidzisi uyo akamutora ndokubva naye panzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey