Uncategorized

Tichabatsira: President

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Tichabatsira: President President Mnangagwa

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChitatu chino vakashanyira nzvimbo dzakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutu guru kuChimanimani nechinangwa chekuda kuona kuparadzwa kwakaitwa uye nekuti vanoda rubatsiro vayamurwe nekukasika.

President Mnangagwa vakaperekedzwa nemutevedzeri wavo Vice President Constantino Chiwenga, gurukota rinoona nezvemauto Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, gurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri nerevashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Sekai Nzenza pamwe nenhengo dzeZanu-PF Central Committee.

Vachitaura nemusi weChipiri chino apo vaive kwaMutare, President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kushanda nesimba kuti zvinhu zvinge zvichigadzirika kuChimanimani neChipinge pamwe nekubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi iyi.

Vanoti Hurumende ichaona kuti zvakaparadzwa semigwagwa, mazambuko nekuwaniswa kwemvura yekushandisa kuvanhu zvagadziriswa nechimbi-chimbi.

“Huwandu hwevanhu vakafa munjodzi iyi huri kuramba huchisanduka nguva nenguva uye kusvika pari zvino, hatisati tave kunyatsoziva kuti vangani vanhu vakafa. Ndinoda kuvimbisa kuti Hurumende ichaita zvose zvainokwanisa mukupedza matambudziko akakonzerwa neCyclone Idai,” vanodaro.

Vanoti mukuita izvi, Hurumende ichatora matanho akakodzera ekurwisa njodzi dzerudzi urwu uye nekuona kuti hapanai kurasikirwa zvakare neupenyu kana kuparadzwa kwemidziyo.

Vanoti Hurumende yakaisa homwe yemari padivi yekubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi iyi pamwe nekugadzirisa zvakaparadzwa. “Zvakakosha kuti tive nechisungo chatinotevedza chekuvakira vanhu vakaparadzirwa dzimba. Dzimba dzevanhu dzakayeredzwa nekudaro tinofanira kuvawanisa pekugara. Vanotarisira kuHurumende kuti ivabatsire,” vanodaro.

Vanoti kune mapazi akasiyana eHurumende anosanganisira District Development Fund (DDF), bazi rinoona nezvekufambisa nereutano nekurerwa kwevana ayo anofanira kushanda zvakasimba mukubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu iyi.

“Ino ndiyo nguva yatinofanira kutaridza kuvanhu kuti ndevedu uye tiri vavo. Njodzi yavawira, yawira nesuwo,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanokurudzirawo vatori venhau kuti vaburitse chokwadi chaicho chezviri kuitika maringe nenjodzi iyi.

Share This:

Sponsored Links