Tichanopedzerana neOrapa: Mablanyo

12 Sep, 2024 - 15:09 0 Views
Tichanopedzerana neOrapa: Mablanyo Lloyd Mablanyo Chigowe

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weDynamos FC – Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe – anoti chikwata chake chichabata basa nemusi weSvondo uno apo chichasangana necheOrapa United mumutambo weCAF Confederations Cup 2nd Preliminary Round.

DeMbare iri kuenda kuBotswana svondo rino uko ichasangana neOrapa United mumitambo miviri iyo inofanirwa kuhwina yose kuti igofambira mberi nemakwikwi aya.

Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi uchatambirwa kunhandare yeFrancistown Stadium, kuFrancistown, kuchiti wechipiri uchizotambirwa kuBotswana ikoko zvekare.

Nekuda kwekuti pari zvino munyika muno hamusati mave nenhandare inosvika padanho rinotenderwa neCAF neFIFA, Dynamos yakasarudza kuti mitambo yayo yeCAF Confederations Cup yose itambirwe kuBotswana.

Muchikamu chekutanga chemakwikwi aya, CAF Confedaerations 1st Preliminary Round, Dynamos yakakunda ZESCO United 1-0 pamitambo miviri yakatambwa nezvikwata izvi.

Mumutambo wekutanga neZESCO United uyo wakatambirwa kuBotswana, DeMbare yakahwina 1-0 ndokuzonorwa kuita mangange 0-0 neZESCO apo yakaenda kuZambia.

Izvi zvakabva zvaona DeMbare ichibudirira kufambira mberi.

Achitaura svondo rino DeMbare isati yasimuka kuenda kuBotswana, Mablanyo anoti chikwata chake chakagadzirira zvikuru kupinda mumutambo uyu uye chichanorwa semvumba kuti chigofambira mberi mumakwikwi aya, sezvo kubudirira kwavo kuchabatsira zvikuru kusimukira kwenhabvu munyika yese yeZimbabwe.

“Tange tiri kushanda zvakasimba takatarisana nemutambo uyu nekuti tiri kuda chaizvo kuhwina mutambo uyu tigofambira mberi kuenda kumapoka eCAF Confederations Cup.

“Kuhwina kwedu kwatichaita mumutambo uyu kunenge kusiri kweDynamos chete, asi ndekwenyika yese, saka isu tiri kuenda kunosimudza mureza wenyika yedu,” anodaro.

Mablanyo, uyo akapihwa chiremerera chekuti ambofanorairidza Dynamos, anoti ange achiongorora matambiro eOrapa United zvekuti ave kuziva matambiro ayo izvo anoti zvichavabatsira pamitambo miviri yavakatarisana nayo.

“Orapa tave kuziva matambiro ayo, saka tichipinda mumutambo wedu navo tiri kupinda tichiziva kuti totamba navo sei uye zvatinofanirwa kuita kuti tihwine mutambo wedu,” anodaro Mablanyo.
Anoenderera achiti:

“Mitambo yedu yese tichaitambira ikoko kuBotswana nekuti ndiko kwatakasarudza kuti tinoda kutambira pari zvino nekuti hatisati tave nenhandare inotenderwa neCAF kana neFIFA muno pari zvino,” akadaro.

Zvakadaro, svondo rino mumitambo yeCastle Lager Premiership kuchaona Simba Bhora, iyo iri kutungamira palogo, ichienda kuAcot Stadium, kuGweru uko ichanosangana neTelOne FC musi weSvondo.

FC Platinum, iyo iri kudzingirirana neSimba Bhora murwendo rwekurwira mukombe wPSL, ichange iri pamusha payo kuMandava Stadium apo ichasangana neManica Diamonds musi weMugovera.

CAPS United ichange iri pamba kuRufaro musi weSvondo apo ichasangana neHighlanders FC kuchiti Chicken Inn ichasangana neYadah Stars musi weSvondo kuLuveve Stadium.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey

×

ZTN Feedback Survey

ZTN

Scan the QR code on the poster or click the link below to share your thoughts.

Take Survey