Tichapedzerana neAlgeria: Darikwa

12 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Tichapedzerana neAlgeria: Darikwa Tendayi Darikwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neNottingham Forest yekuEngland – Tendayi Darikwa – anoti sechikwata, havasi kutya Algeria iyo yavachasangana nayo mumitambo miviri yekurwira tikiti rekuenda ku2021 Africa Cup of Nations.

MaWarriors nemaDesert Foxes eAlgeria zviri kubandana mumitambo miviri – wekutanga wacho uriko nhasi manheri kuAlgeria kozoti wechipiri uchatambirwa muno kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weMuvhuro.

MaWarriors ari kufanirwa kuwana zvibodzwa zvakawanda kubva mumitambo miviri iyi kana achida kuzobudiria kuenda kumakwikwi e2021 AFCON kuCameroon.

Achitaura neKwayedza vatarisana nemutambo wekutanga, Darikwa anoti vanozviziva kuti Algeria ndiyo shasha yemuAfrica, asi havasi kuitya nekuti ivo vakagadzirira.

“Isu tiri kuzvitemba, tine vatambi vepamusoro vanogona uye tinoziva kuti tichakonzeresa kuno.

“Chinangwa chedu kuti tibve kuAlgeria tiine mapoinzi matatu uye kana tikakundikana tidzoke taita mangange hedu tozopedzisa basa tauya kumusha.

“Tinoziva kuti zvichange zvisiri nyore hazvo asi isu ticharwa,” anodaro Darikwa.

Anoti kutamba achimirira nyika yake zvine chiremerera.

“Mitambo yenyika iyi yakakosha chaizvo uye ine chiremerera chikuru. Saka isu tinoikoshesa,” anodaro Darikwa.

Zimbabwe neAlgeria zvose zviri muGroup H rine zvimwe zvikwata zvinoti Botswana neZambia.

Pari zvino maWarriors atamba mitambo miviri izvo zvaona achiita mangange 0-0 neBotswana mumutambo wakatambirwa muno ndokuzokunda Zambia 2-1 kuZambia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey