Ticharonga Cosafa patsva: Destombes

22 May, 2020 - 00:05 0 Views
Ticharonga Cosafa patsva: Destombes Sue Destombes

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reCouncil of Southern Africa Football Association (Cosafa) – iro rinoronga Cosafa Cup – rinoti mitambo yegore rino ichadzoserwa kumashure nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakakonzera kuti nhabvu imbomira kutambwa kunyika dzakawanda dzepasi rose.

Mitambo yeCosafa Cup yegore rino yange ichifanirwa kutambwa munaChikumi kuDurban, kuSouth Africa.

Asi muhurukuro neKwayedza svondo rino, munyori mukuru weCosafa, Sue Destombes anoti mazuva achatambwa mutambo uyu gore rino achatariswa patsva sezvo pari zvino vanhu vasati vava kutenderwa  kufamba kuenda kune dzimwe nyika nekuda kwecoronavirus.

“Sekuziva kwemunhu wose, chirwere cheCovid-19 chavhiringidza zvakawanda pasi rose. Saka nekuda kwaizvozvo, mazuva achatambwa Cosafa Cup 2020 achasandurwa.

“Cosafa Cup inotambwa panguva iyo mitambo yePSL inenge yapera, saka nekudaro tichamirira kuti mitambo iyi igopera uye hatizive kuti lockdown iyi ichapera rinhi zvekare kuti miganho yenyika inovhurwa rinhi kuti vanhu vagofamba kuenda kune dzimwe nyika,” anodaro Destombes.

Zimbabwe imwe yenyika dzichange dzichitarisirwa kuenda kunokwikwidza kuCosafa Cup uko iine nhoroondo yekuva nyika yakahwina mukombe uyu kakawanda kudarika dzimwe nyika.

Kutaura kuno chikwata ichi chakwanisa kuhwina mukombe uyu katanhatu uye chakapedzisira kuusimudza mugore ra2018.

Gorerakadarika mukombe uyu wakahwinwa neZambia.

Share This:

Sponsored Links