Abel Ndooka
MURAIRIDZI wemaWarriors, Michael Nees, anoti vanofanirwa kutorwa semvumba apo vari kusangana nechikwata cheKenya mumutambo wekurwira tikiti rekuenda ku2025 Total Energies Africa Cup of Nations kunhandare yePeter Mokaba Stadium, kuSouth Africa nemusi weChishanu chino.
MaWarriors ari kusangana neKenya muboka reGroup J uye ari kufanirwa kuhwina mutambo uyu sezvo wakakosha zvikuru.
Achitaura pavhidhiyo rakaburitswa papeji reX reZIFA, Nees anoti ari kufara nepadanho rine chikwata chake asi vanofanirwa kushanda zvakasimba kuti vagobudirira kuenda kuAFCON.
“Takagara pakanaka patiri asi tiri kuda kushanda kuti tiende pakanakisa kudarika patiri iye zvino.
“Asi hatifanirwe kugutsikana nepatiri, tofanira kushanda nesimba pamitambo yasara nekuti tichitarisa patakambosangana pamitambo yekutanga, vatambi vaitaridza kufara uye vachishanda nesimba saka tinovimba zvichatibatsira mumitambo yatakatarisana nayo,” anodaro Nees.
Achitaura pamusoro pekudzoka kwaTino Kadewere naMunashe Garananga avo vakambotadza kutambira maWarriors mitambo yadarika apo vainge vakakuvara, Nees anoti zvinofadza sezvo parizvino vari kutamba nhabvu yepamusoro kuEurope.
“Mutambi wese anotamba nhabvu padanho repamusoro tinomutambira nemufaro muchikwata chedu uye isu tinofara nekudzoka kwevatambi vedu ava.
“Tino tichiri kumuongorora zvedu nekuti akabva mukukuvara uye Munashe aive nemutambo saka tinovimba kuti achauya kuzotamba asina kukuvara.
“Tine musanganiswa wevatambi vanotambira muno, kuSouth Africa, Europe, Iraq neUSA. Vese vatambi ava vanounza zvakasiyana kuchikwata chedu uye tiri kufara navo,” anodaro Nees.
Muchikwata ichi mune vamwe vatambi vanosanganisira Marvelous Nakamba uyo akadzoka zvichitevera kumbokuvara kwaainge akaita, kwouya Marshall Munetsi, Khama Billiat, Prince Dube naWalter Musona uyo achangobva kuhwina mukombe wePSL neSimba Bhora.
MaWarriors achipedza kusangana nemaHarambee Stars, achabva ananga kuYaounde kuCameroon uko achanotatsurana nemaIndomitable Lions mumutambo wekupedzisira wekurwira kuenda kuAFCON iyo ichatambirwa kuMorocco gore rinotevera.
Parizvino maWarriors akagara pechipiri palogo remuboka reGroup J aine zvibodzwa zvisere kubva pamitambo mina.