‘Tichazivisa zvebvunzo’

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Tichazivisa zvebvunzo’ Ambassador Mathema

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari Ambassador Cain Mathema vanoti Hurumende ichazivisa nyika nekufamba kwenguva pamusoro penyaya yekunyorwa kwebvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level dzekupera kwegore rino zvichitevera kupfuudzwa mberi kwakaitwa mazuva ekuvhurwa kwezvikoro nekuda kweCovid-19.

Zvikoro zvanga zvakatarisirwa kuvhurwa nemusi wa28 Chikunguru apo vana veGrade 7, O- neA-Level vaifanira kutanga zvidzidzo asi kuvhurwa kwazvo kwakapfuudzwa kumberi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vachipindura mibvunzo mudare reNational Assembly nemusi weChitatu, Ambassador Mathema vanoti nyika ichazoziviswa zvizere maererano nekunyorwa kwebvunzo idzi nekufamba kwenguva.

Mumiriri weMasvingo Central Cde Edmond Mhere (ZANU-PF) vainge vabvunza kuti sezvo kuvhurwa kwezvikoro kwakapfuudzwa mberi, vadzidzi vari kufanirwa kunyora bvunzo dzekupera kwegore kusanganisira dzeCambridge vachaita sei.

“Kuvhurwa kwezvikoro kwakapfuudzwa kumberi saka chii chichaitika kune makirasi ari kuita zvidzidzo zveCambridge avo vari kufanirwa kunyoresa kuti vazonyora bvunzo dzemunaMbudzi musi wa31 Chikunguru usati wadarika. Vanobvumirwa here kuenda kuzvikoro zvavo kuti vanonyoresa musi uyu usati wadarika?” vanodaro Cde Mhere.

Ambassador Mathema vanoti hapana chikoro chiri kutenderwa kuvhura pari zvino.

“Ichokwadi, kuvhurwa kwezvikoro kwambopfuudzwa mberi kusvikira zvimwe zvichazoziviswa. Tichazivisa nyika mamiriro anenge akaita zvinhu nekufamba kwenguva. Hapanai chikoro chiri kutenderwa kuvhurwa asi bvunzo dzemuna Chikumi dziri kuenderera mberi pari zvino.

“Panyaya yechikoro chinoda kuti panyorwe bvunzo dzemunaMbudzi, handina kumbobvira ndavhara misuwo yemahofisi angu kuti ndinzwe zvavanotaura,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanoenderera mberi vachiti, “Asi zvakadaro, panyaya yekuti zvikoro zvinenge zvavhurwa here munaMbudzi hapana anoziva nekudaro tichashanda saizvozvo uye munhu wose achaziviswa.”

Mumiriri weMbizo mudare iri VaSettlement Chikwinya (MDC Alliance) vakabvunzawo vachiti, “Bvunzo dzemunaMbudzi dziri kunyorwa here kana kuti kwete? Nyatsojekesai ipapo.”

Ambassador Mathema vanoti nemamiriro akaita zvinhu nekuda kweCovid-19, zvinonetsa kuziva kuti nyaya yekunyorwa kwebvunzo idzi ichafamba sei.

“Takange takaronga tichitevedzera zvaive zvataurwa naPresident (Mnangagwa) kuti zvikoro zvivhurwe musi wa28 mwedzi uno. Kune avo vari kunyora bvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level asi nekuda kwezviri kuitika izvi ndizvo zvatave nazvo. Kuti bvunzo dzemunaMbudzi dzichanyorwa here kana kuti kwete pari zvino handizivi,” vanodaro.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 1 089 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu uhu, 395 vakatonaya asi vamwe 20 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey