Tichine ngura

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Tichine ngura

Kwayedza

Abel Ndooka

VARAIRIDZI vezvikwata zvinokwikwidza muCastle Premiership vonyunyuta kuti nguva ndefu iyo vatambi vakapedza vakagara kudzimba vasingatambe nhabvu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvakakonzera kuti vaite “ngura” izvo zvakaonekwa svondo radarika pakadzoka nhabvu.

Nhabvu nemimwe mitambo yose zvakamiswa munaKurume gore rapera kusvika nguva pfupi yadarika nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Zvikwata zvenhabvu zvakatanga kukwikwidza mumutambo weChibuku Super Cup svondo rapera apo zvakaiswa mumapoka mana anoti Harare, Bulawayo, Midlands neManicaland.

Kudzoka kwenhabvu kwakarakidza zvakawanda uye varairidzi vezvikwata zvakasiyana, avo vakataura neKwayedza svondo rino, vakabuda pachena kuti vatambi vavo vachiri nengura.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars ‘Madamburo’ – Rodwell Dhlakama – anoti mutambo wekutanga wechikwata chake wakarakidza zvikuru kuti vakomana vake havasati vanyatsosimba sezvo vasina kunyatsowana nguva yekuita gadziriro sechikwata.

“Tichitarisa matambiro atakaita mutambo wekutanga, zviri pachena kuti vakoma vane ngura, havasati vanyatsosimba zvachose. Hatina kuwana nguva yekuita gadziriro yakakwana izvo zvinotooneka mumatambiro atakaita.

“Mutambi wenhabvu anofanira kunge akanyatsosimba pamuviri uye nemupfungwa kuti nhabvu yacho inyatsotambika. Kutaura kuno, vakomana vedu havasati vanyatsosimba kusvika padanho ratinotarisira, asi tiri kushanda navo zvakasimba kuti vasvike patinoda,” anodaro.

Mutambo wechikwata chake wekutanga, Madamburo yakakunda Triangle United 3-1 uye svondo rino iri kusangana neWhawha FC iyo yakazvambaradzwa 6-0 neFC Platinum.
Anoti mutambo wavo neWhawha unogona kuoma sezvo iine huturu hwekurakashwa kwayakaitwa nePure Platinum Play svondo radarika.
“Isu mukombe weChibuku Super Cup tiri kuda kuuhwina, asi pachiri negomo guru rekukwira kusvika tahwina. Tinofanira kutanga tahwina mitambo yose, kusanganisira weWhawha, iyo yatiri kusangana nayo svondo rino.
“Whawha tinoziva ichange ichidya marasha nezvayakaitwa svondo radarika saka tinofanira kuingwarira,” anodaro Dhlakama.

Kuchiti murairidzi weCAPS United – Darlington Dodo – uyo chikwata chake chakatanga nekuita mangange 2-2 neYadah Stars, anoti pachiri nerwendo rurefu kuti vakomana vake vagosvika padanho raanotarisira kuti vange vachikwikwidza zvemhando yepamusoro.

Dodo anoti matambiro avakaita mumutambo wavo wesvondo radarika haana kumufadza uye zvakarakidza kuti vachiri kuda kushandwa navo zvakasimba.

“Tose tinozviziva kuti kugara nguva ndefu kwakaitwa nhabvu isingatambwe zvaitokanganisa vatambi neimwe nzira saka takazviona mumutambo wedu wekutanga. Tinotarisira kuti nenguva yatiri kuwana nevakomana tirambe tichishanda navo kusvika vave padanho ratinotarisira.

“Asi tinovimba kuti mumutambo wedu uri kutevera, tichashanda nesimba kuti tigohwina,” anodaro Dodo.
CAPS United iri kusangana neHarare City musi weSvondo mumutambo weChibuku Super Cup uchatambirwa kuNational Sports Stadium.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino yeChibuku Super Cup, Dynamos “DeMbare” ichasangana neYadah Stars musi weMugovera kozoti Triangle United ichabandana neFC Platinum kuMandava Stadium musi weMugovera.

KuBulawayo kuchange kusingadanwe anonzwa uko kuchaona Chicken Inn ichisangana neHighlanders kozoti Bulawayo City ichitamba neBulawayo Chiefs.

Share This:

Sponsored Links