Tikabaiwa nhomba zvinoita – Vaimbi

10 Oct, 2021 - 07:10 0 Views
Tikabaiwa nhomba  zvinoita – Vaimbi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka naAbel Ndooka

VAIMBI vari kukurudzira kubatana kwezvizvarwa zveZimbabwe panyaya yekurwisa Covid-19 uye nekuti veruzhinji vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere ichi.

Muimbi wemusambo weSungura – Hebert Kujeke – uyo achangobva kubura rwiyo rwunonzi “Teamwork” rwuri pamusoro pekukosha kwekuti veruzhinji vabatane mukurwisa kupararira kweCovid-19, anoti munhu wose ane basa rekuita pamusoro penyaya iyi.

“Sepanguva ino, tiri kuona kuti nyika iri kusangana nenhau inofadza zvikuru yekuderera kuri kuita chirwere cheCovid-19 pamwe nendufu dzacho. Zvose izvi zvinobva mumushandirapamwe weveruzhinji avo vari kubvuma kuti chirwere ichi chiriko uye chinofanira kudzivirirwa, nokudaro vari kutevedza matanho ari kudiwa neHurumende sekupfeka mamasiki, kusaungana, kugeza maoko nesipo uye kubaiwa majekiseni anodzivirira chirwere ichi.

“Kuti nyika ikwanise kusvitsa chikamu che60 percent chevanhu vanenge vabaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri, zvinobva mukubata pamwe,” anodaro.

Kujeke anoti hapana chinokona kubudirira kana vanhu vakaita mushandirapamwe.

“Mukambo aka, tinotaura kuti chinoungana chega inyoka saka ndinoti vanhuwe ngatishandei pamwe uye tiine mufaro mungava mumabasa edu, muzvikoro, muzvipatara nemakiriniki, mumitambo nepakasiyana. Kune vakatorasikirwa neupenyu nenhau yekusada kupangwa mazano nevamwe.

“Somuenzaniso, munguva ino yechirwere cheCovid-19 kune vari mushishi kufambisa mashoko emanyepo vachifurira vamwe vanhu kuti vasabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kunyangwe pakupfekwa kwemamasiki uye vamwe vanotozopfeka vaona mapurisa,” anodaro.

Zvichitevera kunyuka kweCovid-19, Kujeke anoti ava kunyanya kutengesa mimhanzi yake pamasaisai sezvo zvichibatsira kuti vanhu vasaungane.

Mamwe madambarefu akaburwa nemuimbi uyu anosanganisira Tarisa Kuno Uone, Ambrella, Fion, Percentage, Dzinochangamutsa naKudzinga Hope.

Mumwe muimbi zvakare – Jonathan “Mr Chinhoyi” Siastumuzira – anotiwo veruzhinji vanofanirwa kunobaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.

Mr Chinhoyi, uyo anotungamira chikwata cheStumu Boys, anoti sevaimbi vanotambira nemaoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekuti mabhawa avhurwe chete kuvanhu vakabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Takatambira nemufaro kuvhurwa kwakaitwa mabhawa, zvinoratidza kuti kana isu vaimbi tinogona kuchitenderwa kutanga kuridzawo mashoo tichisangana nevatsigiri vedu. Nguva yareba tisati taridza saka tiri kukurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa majekiseni. Kana tose tikakwanisa kubaiwa, ndinoziva kuti zvichabatsira kudzosa magitare nekuchimbidza, isuwo vaimbi todzokera kubasa redu ratajaira ratinodisisa,” anodaro.

Mr Chinhoyi, uyo anozivikanwa nenziyo dzakaita saKwaJowa naMai Mbambo, anotiwo zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho akatarwa ekurwisa chirwere ichi.

“Ngatirambe tichitevedzera matanho ose anodiwa ane chekuita nechirwere ichi kuti chisarambe chichipararira,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG