Uncategorized

‘Tinashe Mugabe ka1’

20 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
‘Tinashe Mugabe ka1’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VERUZHINJI vari kurumbidza kambani yeGlobal DNA Zimbabwe nezvairi kuita mukuongororo nekunoburitsa pachena kuti murume anova muridzi wemwana chaiye (DNA) ndiani sezvo zviri kurerutsira vakawanda vanenge vasina chokwadi nevana vavo uye zvichiita kuti vari muwanano vadzikame pamudikani mumwe chete.

Basa rekuburitsa pachena kuti muridzi wemwana ndiani riri kuitwa naTinashe Mugabe uyo anova principal consultant kukambani iyi uye aita mukurumbira nekuda kwenyaya iyi.

Kurumbidzwa kwaMugabe kunotevera hurukuro yaakaita svondo rapera nebepanhau reKwayedza achitsanangudza zvizere nyaya yekuenda kwevanhu kunoongororwa kuti vana vavainavo ndevavo chaivo here.

Mugabe anoti kambani yavo haipo pakuparadza dzimba dzevanhu asi kuti vazhinji vanozoenda kwavari dzimba dzavo dzinenge dzagara dzaparara nekusavimbana kwavanenge vachiita vari muwananano.

Hezvinoi zvakatumirwa nevamwe vaverengi veKwayedza mushure mekubuda kwenyaya iyi:

“Tinashe uri kutigonera isu tine vana vairambwa iko zvino vakutodyawo rifa repamba pababa wavo.” – Mamo Wa Jesu.

“Ramba wakadaro Tinashe. Asvotwa, asvotwa nekuti vanhu vajaira kunyepa mwana haasi chibage. Mwari havadi kunyepa kana kuramba mhuri yako. Zvakanaka, Tinashe ndinokutsigira nebasa rakadai.” – Pretty Chitongo.

Zvisinei kune vari kupomera Mugabe kuti zvaari kuita zviri kuparadza dzimba sezvo panozoonekwa kuti mudzimai ane mwana asiri wemurume waari kugara naye pane mukana wekuti vanosiyana uye zvichikanganisa mwana.

Tsitsi Chidzomba anoti Mugabe haasi kupinda mudzimba dzevanhu achivamanikidza kuti vaongororwe asi kuti vanhu ndivo vanotsvaga rubatsiro rwekambani yake.

“Zvave kuita sekuti ndiye ari kufambira vanhu mudzimba asi vanhu ndivo vega vari kuenda kwaari asina kuvashevedza. Kuzoona vanhu vave kuenda vanenge vatogara vaine kakufungirana pachezvavo.

“Mugabe ari kungoita basa rake chete. Ndapota vanhu ngavasiyane naye nekuti chero paanovapa zvinenge zvabuda zvacho haasi kuvaudza kuti rambanai,” anodaro Chidzomba.

Zvichakadai, kanzuru yeMedical Laboratory and Clinical Scientists Council of Zimbabwe (MLCSCZ) inoti Mugabe haana mvumo kana kodzero yekuzivisa vanhu vanenge vaongororwa maDNA zvinenge zvazobuda.

Kanzuru iyi inokurudzira veruzhinji kuti vasabvume kuudzwa zvinenge zvabuda paongororo yeDNA nenzira isina kutswasuka.

Share This:

Sponsored Links