Tine hasha: dynamos

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Tine hasha: dynamos Edward Sadomba

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weDynamos FC – Lloyd “Mablanyo” Chigowe — anoti veruzhinji ngavasatarisire chikwata chake pasi vachifunga kuti chapera zvichitevera kusatamba zvakanaka kwachakaita mwaka wapera sezvo gore rino chiri kudzoka zvine mutsindo uye chine huturu hukuru.

Mwaka wa2018, vatsigiri vazhinji vechikwata ichi vanoda kukanganwa nezvawo nekuti aive marwadzo chete kuDeMbare iyo yakapedza gore rose ichirwisa kuti isaburitswe muligi reCastle Premierhip.

Apo zvinhu zvakange zvaita manyama amire nerongo kuDynamos, zvakaona hutungamiri hwechikwata ichi vachidzinga Lloyd Mutasa semurairidzi kaviri achitsiviwa naBiggie Zuze asi haana kusvika kure sezvo naiyewo akadzingwa basa zvakare.

Chigowe ndiye akabva azogadzwa pachigaro chinopisa ichi.

Mwaka wegore rino usati watanga, vamwe vatsigiri venhabvu vange vachitoti gore rino hakuna cheDeMbare asi Chigowe anozviramba achiti vanhu ngavasataure bhora risati ratambwa.

“Chekutanga, vanhu vanofanirwa kuziva kuti gore ra2017 takapedza tiri pechipiri, takatombotungamira kwenguva refu asi zvikazongodhakwa pakupedzisira. Saka ngavasafunge kuti tiri mumatope nekuti 2018 hazvina kuti fambira zvakanaka.

“Pamwe pese apa zvaingoendeka wani, zvozongonzi nekuti mwaka mumwe chete zvatotidhakira?

“Handifunge kudaro,” anodaro Chigowe.

Anoti mwaka uno vari kuda kurwa semvumba vadzokere pachigaro chavo chaicho chemunhabvu muZimbabwe.

“Zvegore radarika zvakatodarika, zvimwe zvikwata ngazvisafunge kuti ticharamba takadaro.

“Tadzoka tashanduka uye tine huturu hukuru,” anodaro.

Kutaura kuno chikwata ichi chiri pakati pekuvaka uye vatambi vakaita saKudzanayi Dhemere, Jimmy Tigere, Tawanda Macheke, Simba Chinani naGodfrey Mukambi vamwe vanotarisirwa kuchisumudzira mwaka uno.

Vamwe vatambi vakaita saEdward Sadomba naArchford Gutu – avo vakambotambira chikwata ichi kare – vanogona kudzoswa kuzochitambira zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey