Uncategorized

Tingapedze matambudziko sei?

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
KUBVIRA pasichigare, vanhu pasirose vanotsvaga mhinduro kune zvinhu zvose zvinovapa dambudziko pakurarama kwavo. Mhinduro idzi inzira dzekurerutsa matambudziko avanosangana nawo muupenyu hwavo.

Matambudziko aya haapedzwe nemunhu mumwe chete zuva rimwe chete. Zvino mubvunzo ndiwoyu: “Ko tingapedze matambudziko atinosangana nawo mukurarama kwedu sei?”

Svondo rino tinoda kukurukura zvimwe zvezvatingaite kuti tirerutse nhamo dzedu.

Tikachema chete kana tasangana nematambudziko, hazvirerutse nhamo dzedu. Kana tasangana nedambudziko ratishungurudza semusha, kambani kana senyika, zvinoda kuti tiite tsvagurudzo tinyatsoziva kuti dambudziko nderipi chaizvo. Tingadaro tikapedza nguva nepfuma yedu tichishanda kupedza zvimwewo zvisiri dambudziko redu.

Ngatinzweiwo vamwe kuti ndiro here dambudziko munharaunda yedu kana mukurarama kwedu.

Kana chanetsa chabuda pachena zvemazvirokwazvo, ndipo pochitsvagwa kuti ko isu zvatinoda kuti tive nazvo ndezvipi kana tisisina dambudziko iri. Kana izvi zvazivikanwa, tochiona kuti toita sei kuti zvatinoda zviitwe.

Mushure mezvo panoda kuzivikanwa kuti hurongwa hwekupedza dambudziko hwakamira sei. Hurongwa hunobatsira kuziva kuti ndiani achaita zvipi, uye nguva yakareba sei, uye zvarinhi. Nokudaro vanhu vanoshanda vachiziva zvavari kushandira pane kushandira murima vachiti chero zvazvaita.

Patinenge takundikana panozivikanwa pogadziriswa tisati taenderera mberi nokuti tinenge toziva kuti nguva yakati tinenge tasvika papi.

Pahurongwa hwedu, munhu nemunhu anopihwa pakasimbira hunyanzvi hwake kuitira kuti tifambe nekukurumidza mubasa redu tisingarasikirwe nenguva uye pfuma yakawanda nokuti munhu wese anenge achiziva zvaari kuita.

Kana tagadzira chinhu chatinofunga kuti chinopedza dambudziko redu, uye chisinganetse kushandisa kune vanhu vazhinji, tinomboona kushanda kwacho munharaunda yedu chete. Tinobvunza vari kushandirwa nechinhu ichi kuti chiri kuvabatsira sei, uye pane pavangade kuti pagadziriswe here pachinhu ichi kuti chinyatsoshanda basa racho zvakanaka.

Mushure mezvo ndipo patinoendesa chinhu ichi kunyanzvi dzinochigadzirisa zvekukwenenzvera kuti vanhu vafadzwe nacho pakutarisa uye pakushandisa. Izvi zvinobatsira kuzotengesa chinhu ichi zvisingatinetse.

CHENJEDZO

Kugadzira zvishandiso zvinorerutsa basa redu mukugara kwedu hazvidi munhu akadzidza zvemhando yepamusoro chete, asi zvinoda munhu ane shungu dzekupedza nhamo dzinosangana nevanhu mukurarama kwavo. Nokudaro, mhinduro dzekupedza zvinotinetsa, dzinobva kwatiri vari kutambudzika kwete vasinganzwisise nhamo dzedu. Isu ngatisamirire kuti tichazviwana kubva kune dzimwe nyika nokuti vekune dzimwe nyika ndizvo zvavanoita kupedzawo nhamo dzavo munyika dzavo. Zvigadzirwa zvedu izvi zvinombotanga sedambe asi zvinozopedzisira zvatekeshera nyika yose zvave kudikanwawo nevamwe vekunze.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links