Tino Kadewere adzoka munhandare

20 Mar, 2023 - 16:03 0 Views
Tino Kadewere adzoka munhandare Tino Kadewere

Kwayedza

Abel Ndooka

TINOTENDA ‘Tino’ Philana Kadewere akadzoka muchikwata cheReal Club Deportivo Mallorca svondo richangodarika apo chakakundwa 1-0 neReal Betis mumutambo weLaLiga Santander.

Svondo radarika apo RCD Mallorca yaitamba neReal Sociedad, Kadewere akaburitswa mumutambo uyu wave pahalf-time apo akangotanga kurutsa.

Zvinonzi muviri wake wakange wave kupisa iyo inozivikanwa se‘heat stroke’ ndokumhanyiswa kuchipatara.

Akazoburitswa muchipatara zuva raitevera.

Mumutambo wechikwata chake neReal Betis wakatambwa svondo richangodarika, Kadewere akatanga akagara pabhenji, ndokuzopinda muchikamu chechipiri mutambo watambwa maminitsi 57 achitsiva Dani Rodriguez apo chikwata chake chainge chanwiswa kare.

Kuchiti kuFrance – Marshall Munetsi – aipembererwa neStade de Reims apo akatamba mutambo wake wechi100 ari kuchikwata ichi.

Marshall Munetsi

Zvisinei, chikwata chake chakazokundwa 2-1 neMarseille mumutambo weFrench Ligue 1.

KuEngland, Marvelous Nakamba akatamba mutambo wese apo Luton Town yakaita mangange 1-1 neSunderland.

Marvelous Nakamba

Svondo radarika, murairidzi weLuton Town FC – Rob Edwards – akarumbidza Nakamba achiti munhu akazvininipisa uye anoziva basa rake.

Share This:

Sponsored Links