Tino Kadewere anyora nhoroondo

05 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Tino Kadewere  anyora nhoroondo Tino Kadewere

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neReal Club Deportivo Mallorca yekuSpain — Tinotenda Philana Kadewere — akapemberera kunyora kwaakaita nhoroondo yekuve wekutanga kubva muZimbabwe kutamba nhabvu muligi reSpanish LaLiga.

Kadewere akatamba mutambo wake wekutanga wemuLaLiga svondo radarika apo chikwata chake chakasangana neGetafe mumutambo uyo Mallorca yakakundwa 2-0.

Mumutambo uyu, Kadewere akatanga ari pabhenji ndokuzopinda kwapera maminitsi 84 achitsiva Lee Kang-In, chizvarwa chekuSouth Korea.

Izvi zvakaona Kadewere achinyora nhoroondo yekuve mutambi wekutanga kubva muZimbabwe kutambira muLaLiga Santander.

Svondo rino, Kadewere – uyo ari kuMallorca nechikwereti kubva kuOlympique Lyon yekuFrance – akanyora papeji rake repaFacebook kuti: “Nhoroondo yanyorwa, record yekutamba mutambo wekutanga weLaLiga, ndinokutendai RCD Mallorca.”

Paakaenda kuMallorca munaNyamavhuvhu 2020, Kadewere akasvika akakuvara izvo zvakaona achipedza nguva refu achimborapwa zvakamutadzisa kutambira chikwata chake chitsva ichi.

Paakazopora, mutambo waKadewere wekut anga achitambira Mallorca waive weCopa del Rey wakatambwa munaMbudzi uyo Mallorca yakakunda CD Autol 6-0.

Tino Kadewere

Mumutambo uyu, Kadewere akatanga ari pabhenji ndokupinda kwapera maminitsi 46 uye ndokunwisawo.

Akazotambazve mumwe mutambo weCopa del Rey munaZvita 2020 apo Mallorca yakakunda Real Union 1-0. Mumutambo uyu, akatanga ari pabhenji zvekare ndokuzopinda kwapera maminitsi 77 achitsiva Lee Kang-In.

Zvichitevera kunyora kwaakaita nhoroondo svondo radarika, vatsigiri venhabvu vakawanda vakamhanya kukorokotedza Kadewere vachimutumira mashoko papeji rake.

Muimbi Romeo Gasa akanyora achiti: “Makorokoto, ramba uchishanda nesimba uye uchitamba nesimba zvaunokwanisa.”

Panashe Garande anoti: “Tinodada newe! Tinokushuvira zvakanaka chete Tino.”

Mumwe mutsigiri wenhabvu anonzi Tinaye Gumbati anoti ari kuisa Kadewere muminamato yake kuti akwanise kutamba mitambo yakawanda.

“Makorokoto Tino ndakakuona. Tiri kukunamatira utambe mitambo yakawanda wena,” anodaro Gumbati.

Vamwe vatambi vakanyora nhoroondo vanosanganisira Peter Ndlovu uyo akaita wekutanga kubva muZimbabwe nemuAfrica kutamba nhabvu muEnglish Premier League mugore ra1992 apo aitambira Coventry kuchiti Benjani Mwaruwari akaita wekutanga kubva muZimbabwe kutamba nhabvu muFrench Ligue 1 achitambira AJ Auxerre.

Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza, akaita mutambi wekutanga wemuno kutamba kuTurkey uko akatambira Galatasaray kuchiti Knowledge Musona ndiye akaita wekutanga kutambira muGermany Bundesliga apo aitambira TSG Hoffinheim.

Mushakabvu Freddy Mukwesha ndiye akaita wekutanga kubva muno kutambira kuPortugal uko akatambira Sporting de Braga.

Share This:

Sponsored Links