Uncategorized

‘Tinoda kubaya 60pc yevanhu’

19 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
‘Tinoda kubaya 60pc yevanhu’ Dr Mahomva

Kwayedza

Munyori weKwayedza

ZVISINEI nekuti Zimbabwe haina kukwanisa kuzadzikisa tarisiro yekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuchikamu che60 chevanhu vose vari munyika kusvika pakupera kwaZvita wegore rapera, Hurumende iri kushingairira kuzadzikisa chinangwa ichi.

Hurumende yaive nechinangwa chekubaya nhomba vanhu vane makore 16 okuberekwa zvichikwira vanosvika 9,4 miriyoni kusvika pakupera kwaZvita uye yakatotenga mushonga wemajekiseni unokwanirana nehuwandu uhu.

Zvisinei, vanhu 3,1 miriyoni ndivo chete vakange vabaiwa nhomba dzose dziri mbiri – yekutanga (1st dose) neyechipiri (2nd dose) kusvika nemusi wa31 Zvita gore rapera.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, vanoti kunyangwe zvazvo pasati pave nenguva itsva yatarwa, Hurumende iri mushishi yekusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba.

“Chinangwa chedu chichiri chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika asi hatisati tatara nguva yatinotarisira kunge tazadzikisa izvi. Tiri kushanda nesimba kuitira kuti tisvitse huwandu uhu nekukasika,” vanodaro Dr Mahomva.

Kubaiwa nhomba kwevanhu vanosvika 9,4 miriyoni kunoita kuti Zimbabwe isvike pachikamu che62,6 percent chevanhu vose vari munyika, zvichireva kuti vose vanokodzera kubaiwa vanokurudzirwa kuti vabaiwe.

Hurumende ine zvikwata zveveutano zviri kumatunhu ose enyika zviri kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 4 209 724 vange vabaiwa nhomba yekutanga apo 3 236 083 vange vabaiwa dzose dziri mbiri.

Vamwe vanodarika 26 000 vange vabaiwa nhomba yechitatu (booster shot).

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 226 460 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 208 112 vakatopona asi vamwe 5 258 vakafa.

Zimbabwe iri pakati pekurwisa kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave) uye nyanzvi dzezveutano dzinoti kubaiwa nhomba ndiyo yoga tariro yekukunda chirwere ichi.

Pane kurudziro iri kuitwa nenyanzvi dzezveutano yekuti Hurumende itsvage nzira itsva dzekukurudzira vanhu kuti vabaiwe nhomba nechinangwa chekusvitsa chikamu che60 percent chevanhu vose vari muZimbabwe kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Kunyangwe zvazvo kutengwa kuri kuitwa mishonga yenhomba nemimwe iri kupihwa Zimbabwe sezvipo nedzimwe nyika pamwe nemapoka akasiyana kuri kuita kuti pave nenhomba dzinokwanirana, sarudzo iri kuzvizvarwa zveZimbabwe mukuona kuti vabaiwa nechinangwa chekuzvidzivirira kubva kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey