‘Tinoda mitambo yechinyakare’

21 Jan, 2021 - 12:01 0 Views
‘Tinoda mitambo yechinyakare’ Arthur Maphosa

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reNational Association of School Heads (NASH) rinoti mitambo yechinyakare yakadai sehwishu, dunhu, tsoro, maflawu nearawuru yakakosha zvikuru mudzidzo yevana uye vane hurongwa hwekuti idzidziswe muzvikoro zvesekondari.

Mutungamiriri weNASH – Arthur Maphosa – anoti sesangano vari kuyemura basa guru riri kuitwa neNational Association of Primary Heads (NAPH) iyo yakatanga kuunza mitambo iyi kuti itambwe muzvikoro zvepuraimari saka vari kuda kutevera mumatsimba avo.

Anoti mitambo iyi iri kutambwa zvikuru kupuraimari nekudaro pane mukaha wekuti vadzidzi pavanoenda kusekondari inenge isisaitwe.

 “Tiri kuyemura zvikuru basa riri kuitwa nevamwe vedu vari kuNAPH rekusimudzira mitambo yedu yechinyakare. Mitambo iyi yakakosha uye inovaka vana pamwe nekuvadzidzisa.

“Zvasarira kwatiri isu veNASH kuti tiunze mitambo iyi itambwewo kusekondari nekuti vana vaingoitamba kupuraimari zvoperera ikoko. Saka zvinofanira kuramba zvichienderera mberi mwana ave kusekondari oramba achitamba mitambo iyi. 

“Isu tiri kuda kubatana nevaNAPH vatidzidzise kuti vari kuzvifambisa sei,” anodaro Maphosa.

Anoenderera mberi achiti muzvikoro havasi vana vese vachawana mukana wekutamba mitambo ine mukurumbira yakaita senhabvu, netball, rugby, cricket nevolleyball saka mitambo yechinyakare yakadai sehwishu, dunhu, nhodo, tsoro nemaflawu inofanira kukosheswawo.

“Sekuziva kwatinoita, havasi vana vose vachabudirira mune mitambo yatinoziva ine mukurumbira saka isu tiri kutozviona kuti zvakakosha kuti mitambo yechinyakare iyi idzoke igotambwa muzvikoro, vamwe vana vawanewo zvekutamba nekuita vari kuzvikoro. Hapana angazive, zvimwe vana vachazobudirira mune remangwana nemitambo yechinyakare iyi,” anodaro Maphosa.

Share This:

Sponsored Links