Uncategorized

Tinoda runyararo: President

17 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
Tinoda runyararo: President President Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvirambe zvakabatana uye zvichichengetedza runyararo nerusununguko rwenyika.

Vakataura izvi mumashoko avo ekucherechedza kusvitsa kweZimbabwe makore 39 yawana kuzvitonga kuzere.

“Vanhu vedu, vagari vedu uye zvizvarwa zveZimbabwe zvinodada nenyika ino: Chekutanga ngatirambei takabatana, chechipiri ngatirumbidzei runyararo rwedu, chechitatu ngatichengetedzei pose patinenge tiri – siku nesikati – rusununguko rwedu harukwanise kutengeswa.

“Rwakauya kwatiri kuburikidza nekuzvipira. Vakawanda vakoma nevanin’ina vedu nehanzvadzi dzedu vakazvipira upenyu hwavo hunokosha kuti tinge tichifara munyika yakasununguka nhasi uno. Saka tose pamwe chete, ngatichengetedzei runyararo rwedu, ngatichengetedzei nyika yedu, ngatichengetedzei zviwanikwa uye ngativei nerudo nevamwe,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti zvakakoshawo kuti zvizvarwa zvose zveZimbabwe zvipemberere zuva rekuwana nyika kuzvitonga kuzere gore rino zvisinei nekusiyana kwemapato ezvematongerwo enyika.

Mhemberero huru dzeIndependence dzichaitwa kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare apo dzimwe dzichange dziri kumatunhu akasiyana enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey