Tinoda vana vanopasa!

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Tinoda vana vanopasa!

Kwayedza

 ZIMBABWE inyika inozivikanwa zvikuru pakuve nevanhu vane fundo yepamusoro kudarika dzimwe nyika dzose dzemuAfrica pakugona kuverenga nekunyora.

Budiriro iyi yakavepo nekuda kwekushanda kwakasimba kweHurumende mukusimudzira chikamu chedzidzo kubvira pakawana nyika ino kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Asi, budiriro yefundo iyi inogona kudzokera kumashure kana pakasatorwa matanho akasimba ekupedza dambudziko rekukundikana kuri kuita vamwe vana muzvikoro pabvunzo dzavo dzeGrade 7, dzeO- neA-Level.

Sekutaura kwemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti pabvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera, zvikoro 250 zvepuraimari nesekondari zvine vana vakabura chikamu chezero percent pakupasa bvunzo idzi – kushaya neakapasa zvake.

Zvakawanda zvezvikoro izvi zvinonzi ndezviya zvinodaidzwa kuti “satelite schools”.

Mai Thabela vanoti pabvunzo dzeGrade 7, vana vezvikoro 68 vakabuda vasina chavakapasa – zero percent – muna2018 apo paO-Level zvikoro 194 zvakaburawo mazero percent zvakare.

Huwandu hwezvikoro zvine vakadzidzi vakabura mazero percent pabvunzo dzegore rapera hunotorovesa hana.

Hongu, zvikoro zvemasatelite schools zvakatarisana nematambudziko akadai sekusavepo kwezvivakwa zvinosanganisira pekudzidzira pakakodzera, asi kudofora kunonzi kuri kuita vana vanofunda kuzvikoro izvi kwazonyanya.

Kana vadzidzi vakabura chikamu chezero percent mubvunzo zvinoreva kuti nguva yose yavaifunda yakangoendera pasina.

Munhu angadzidze kubva Grade 1 kusvika 7, kana Fomu 1 kusvika Fomu 4 oshaya chaanobura?

Kana ivo varairidzi vacho vanenge vachimboitei? Basa ravari kuita nderei ipo pasina zvinonekwa zvisvinu?

Hazvireve here kuti kudofora kwemwana, naiye mudzidzisi wake atodoforawo?

Nyaya iyi inoda kudzamisa pfungwa nekuti hazvireve chinhu kuti vana vekuzvikoro 250 vanobura zero percent pabvunzo.

Masatelite schools akawanda akavepo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kurerutsira vana kuti vasafambe nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro.

Zvimwe zvezvikoro izvi zvakavambwa mumapurazi akagariswa vanhu patsva neHurumende sezvo kare kwakange kusina zvikoro zvekuti vana vadzidze.

Zvikoro zvesatelite schools hazvimire zvoga asi kuti ibandiko rezvikoro zvinotungamirirwa nemukuru anenge ari pachikoro chine zvose zvinotarisirwa kuti dzidzo inge ichiendeka.

Kureva kuti hazviite kuti vana vari pasatelite schools vanonyora bvunzo dzavo vofoira asi vekune chimwe chikoro chinova rimwe bandiko racho vachipasa.

Zviri pachena kuti Hurumende inofanira kutora matanho akasimba maringe nekudofora kuri kuita vamwe vana pabvunzo.

Zvinorwadza kuona kuti kunze kwemasatelite schools, kune vamwe vana vari muzvikoro zvine zvose zvinodiwa vari kundikana pabvunzo zvakare.

Chokwadi chikoro chine mukuru nematicha vakadzidzira basa ravo chowanikwa chichibuda nezero percent pakupasa kwevana?

Nyaya iyi inofanira kugadziriswa nekukasika kuitira kuti dzidzo yeZimbabwe irambe iri yepamusoro.

Vabereki vari kubhadhara mari dzekuti vana vavo vapase kuchikoro, kwete kuti vafoire. Saka kudofora kwevana ngakuderere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey