‘Tinoda zvikoro zvitsva 2 000’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Tinoda zvikoro  zvitsva 2 000’ Prof Mavima

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe iri kuda zvikoro zvitsva 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonaland West mudare iri, Senator Caroline Tsitsi Mugabe.

Sen Mugabe vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri mukuona kuti zvikoro zvakazvimirira, izvo zviri kungonyuka kumativi mana enyika, zvanyoreswa zviri pamutemo uye kuti zviri kutevedzera zvinodiwa nebazi iri here.

Prof Mavima vanoti kunyuka kwezvikoro zvakawanda zvakazvimirira kuri kukonzerwa nekushomeka kwezvikoro.

“Kunyuka kuri kuita zvikoro zvakazvimirira chiratidzo chekushomeka kwezvikoro munyika. Bazi redu rakaita ongororo muna 2013 ndokuona kuti tinoda zvimwe zvikoro zvitsva zvinosvika 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

“Zvazviri kureva ndezvekuti pane musika uripo wedzidzo nekudaro avo vari mune zvemabhizimisi vanotora mukana uyu. Vamwe vavo vanopedzisira vave kuita dzimba dzavo zvikoro,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti: “Dambudziko riripo nderekuti kana zvakadai zvaitika, isu sebazi tinenge tisingazvizive, hauzive mhando yaticha anenge achidzidzisa vana ava. Hauzive zvimwe zvinhu zvakare zvinenge zvichiitika sekuti vana vacho vanenge vasingashungurudzwe here, zvichingodaro.

“Hatirambidze muzvinabhizimisi kuti atange chikoro, asi chatinoda ndechekuti anofanira kutanga azadzikisa zvose zvinodiwa maringe nemutemo.”

Prof Mavima vanoti chikoro chinofanira kuve panzvimbo yakatambanuka uye ine zvimwe zvinodiwa sezvimbuzi.

“Kunze kwazvo, pane danho redu sebazi ratinotora apo tinopota tichitaura nevezvikoro zvakazvimirira ava tichida kuona kuti vane vadzidzisi vanotarisirwa here uye nekuti vari kutevera zviri musyllabus pakudzidzisa vana here,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti padanho redistrict mubazi ravo, pane vakuru (inspectors) vanofanira kuita ongororo yezvikoro zvakanyoreswa zviri pamutemo nezvisina.

“Tinoedza kubatsira zvimwe zvacho kuti zvinyoreswe kana zvichinge zvazadzikisa zvinodiwa. Pane mari inobhdharwa yekunyoresa zvikoro zvakazvimirira,” vanodaro Prof Mavima. Zvakadai, vanoti dzimwe nguva bazi ravo rinosangana nezvimhingamipinyi zvekuti pange pachiitwa ongororo yezvikoro zvakazvimirira nenguva nekuda kwekushomeka kwemari uye zvikoro zvacho mazuva ano zvawandisa.

“Tine nzira yatinoshandisa mukuongorora zvikoro zvakazvimirira uye izvo zvinenge zvisina kuzadzikisa zvinotarisirwa tinozvivhara. Asi kana zvichinge zvichizadzikisa zvinodiwa, tinobatsira kuti zvinyoreswe nekuti zviri kubatsira mukuderedza huwandu hwezvikoro zvitsva zviri kudiwa munyika,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro Prof Mavima, iri kushanda nemamwe mapoka akasiyana mukuona kuti zvikoro zvitsva zvavakwa kumativi ose eZimbabwe.

“Tiri kugadzirisa nyaya iyi nekushanda nemapoka akasiyana apo tinoti, ngatishandei pamwe chete, towana vatsigiri, votipa mari, tovaka chikoro pamwe nekuchishandisa pachezvedu nekuti tinowana dzidzo yemhando yepamusoro kana tichishanda isu seHurumende pane kungosiira munhu wose wose kuti ave nechikoro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links