Uncategorized

‘Tinofarira kuzvitonga kuzere’

17 Apr, 2019 - 15:04 0 Views
‘Tinofarira kuzvitonga kuzere’ Sekuru Katerere

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VERUZHINJI vanoti nhasi uno vasununguka sezvo vave kukwanisa kuita mabhindauko akasiyana, kunamata machechi avanoda pamwe nekupira midzimu pamadiro nekuda kwekuwana kwakaita Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu zvichitevera kusvitsa kwaita nyika ino makore 39 vatema vachizvitonga.

VaEdwin Dzika (60) vekuHurungwe vanoti kusununguka kwakakosha kudarika zvose.

“Seni ndave kuzvishandira ndakasununguka kana tichienzanisa nakare apo kwaiva nevachena vaitonga. Ndinorima ndakatokwanisa kutenga rori rangu randinotakurisa fodya yangu nezvimwe zvirimwa kunotengesa ndichibatsirawo vamwe,” vanodaro.

Paddington Kurwakumire (25) wekwaMambo Magonde anoti vabereki vake ndivo vakatanga kunzwa kunaka kwerusununguko apo akazoberekwa iye ndokutangawo kugara munyika yakasununguka.

“Vabereki vangu vakawana munda mahekita 6 umo tiri kurima. Takakwanisa kutenga mombe nezvimwe, iniwo ndakaroora gore rakapera nemari yakabva mumunda,” anodaro Kurwakumire.

Mai Tarisai Gambara Mututa (34) vekwaMurehwa vanoti vanodawo munda wekurima.

Madzibaba Prangadhai

“Nyaya hombe kune vachandinzwawo semunhu akaberekwa nyika yasununguka, ndinodawo munda please. Ndine vana vanoda kurima,” vanodaro.

Mai Rita Mashipe Ndunduma (42) vekwaZvimba vanoti chinhu chikuru chavanotenda kuwaniswa ivhu uko vakaitwa sezvo vaimborima munda usingakwane eka mhuri yose.

Chamunorwa Mashipe wekuTrelawny zvakare anotiwo rusununguko rwakaunza budiriro nepunduko yakanyanya munyika.

“Tave kurima takasununguka nekuita mabhizimisi edu nekufamba kwatinoda pasina kunonzi hakuendwe. Tinoda kuti Hurumende itiwanire nzvimbo kwekutengesera zvinhu zvedu,” vanodaro.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanova n’anga vanoti makore 39 nyika yawana kuzvitonga zvinokudzwa zvikuru. “Tichipembera kuzvitonga kwakaunzwa nemidzimu nemhondoro ndinokurudzira vatungamiri vose venyika nevamwe kuti chivanhu chitevedzwe zvizere,” vanodaro. Madzibaba Prangadai veNguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe vanotiwo zvibereko zvekuzvitonga kuzere zviri kuonekwa kunyangwe pakunamata.

Share This:

Sponsored Links