Tinohwinha: Mpandare

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Tinohwinha: Mpandare Vatambi vemaWarriors svondo rino vachiita gadziriro yekusanga neBotswana neZambia vari muguta reHarare

Kwayedza

Abel Ndooka

MANEJA wemaWarriors  Wellington Mpandare anoti chikwata chake chinofanira kubata basa sebasa mumitambo miviri yavo yasara iyo vachasangana neBotswana (Zebras) neZambia (Chipolopolo) mumitambo yekurwira tikiti rekuenda kuAfrica Cup of Nations (AFCON).

MaWarriors ari kusangana neBotswana musi weChina svondo rino kuBotswana ozosangana neZambia musi weMuvhuro muno kunhandare yeNational Sports Stadium mumitambo yemuboka Group H.

 Zvikwata zvitatu izvi zvinoti maWarriors, Zebras neChipolopolo zvose zvichiri nemukana wekubudirira kuenda kumitambo iyi. 

Mitambo miviri iyi yakakosha zvikuru kumaWarriors nekuti akahwina yose anobva awana tikiti rekuenda kuAFCON kechishanu iyo ichaitirwa kuCameroon gore rinotevera.

Algeria yakatobudirira kare kuenda kumutambo uyu kubva muGroup H. 

Mpandare anoti vatambi vavo vanofanirwa kurwa semvumba mumitambo yavo miviri iyi sezvo yakakosha zvikuru.

“Takatarisana nemitambo miviri yakakosha zvikuru murwendo rwekurwira kuenda kuCameroon, saka tiri kufanira kuhwina yose mitambo iyi kuti zvinhu zvedu zvitifambire zvakanaka.

“Tinofanira kugara tapedza basa kutanga paBotswana toziva kuti patichasangana neZambia kunenge kwave kupedzisa basa. Hatidi kuzviomesera basa tega saka vakomana vedu vanofanira kugara vangopedza basa,” anodaro Mpandare.

Chikwata chakadomwa nemurairidzi wemaWarriors, Zdravko Logarusic, chichange chisina vatambi vane chitsama vekuEurope vanosanganisira Tino Kadewere, Marshall Munetsi, Marvelous Nakamba, Tendayi Darikwa naJordan Zemura avo vakakundikana kufamba nekuda kwemitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vatambi vekuEurope vakakwanisa kuuya vanosanganisira kaputeni Knowledge Musona naTeenage Hadebe uyo anotambira Yeni Malatyaspor yekuTurkey.

Mpandare anoti kutadza kuuya kwevatambi vakaita saKadewere, Munetsi naNakamba kwadzorerera zvikuru hurongwa hwavo hwavaive vanahwo hwemitambo miviri iyi yemaZebras neChipolopolo.

“Kwangouya vatambi vashoma kubva kuEurope, vazhinji vese vanotambira zvikwata zvemuAfrica. Asi tinoziva kuti vatambi ivava vachabata basa uye tiri kuvatsigira zvikuru.

“Nyika yose ngaifambe nesu, tinokumbira kuti ititsigire itiisire minamato kuti tigobata basa patiri kuenda kumitambo iyi,” anodaro Mpandare.

Share This:

Sponsored Links