Tinokoshesa dzidzo yekurima – Dokora

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Tinokoshesa dzidzo yekurima – Dokora

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vari kushanda pamwe chete nebazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro mukuona kuti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekurima – izvo zviri mugwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum – zvazadzikiswa zvizere.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly apo vaipindura mibvunzo yenhengo dzemudare iri.

Nhengo inomirira Proportional Representation kuMashonaland East, Cde Mabel Kaundikiza, vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri kuti zvikoro zvekumaruwa zvive nevarairidzi vakaringana vezvidzidzo zvemawoko zvakaita sekurima.

“Kumaruwa kune zvimwe zvikoro zvesekondari zviri kuita zvidzidzo zvekurima asi zvinoratidza kuti varairidzi vezvidzidzo zvakadai vashoma. Hurumende inoti kudini nemamiriro ezvinhu aya?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti panofanirwa kuve nevarairidzi vezvidzidzo izvi vanokwanirana nehuwandu hwevana. “Mutemo weHurumende ndewekuti panofanirwa kuve nevarairidzi vanoenderana nehuwandu hwevana vezvidzidzo izvi,” vanodaro.

Vachipindura mumwe mubvunzo wenhengo inomirira Highfield, VaErick Murai, Dr Dokora vanoti vari kushanda pamwe chete nebazi rezvekurima mukufundiswa kwezvidzidzo zvekurima muzvikoro.

VaMurai vaida kuziva kuti muzvikoro mune zvekushandisa zvakakwana here zvichitevera danho rakatorwa nebazi redzidzo rekuti pachange pave kunyorwa bvunzo dzekurima pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec).

“Sezviri muNew Curriculum, chidzidzo chekurima chichange chave kunyorwa bvunzo asi zvinoratidza kuti hapanai varairidzi vakakwana, mabhuku ekuverenga nezvimwe zvekushandisa. Tichazviita sei kana pasina zvekushandisa izvi?” vanobvunza VaMurai.

Dr Dokora vanoti ichokwadi kuti chidzidzo chekurima chimwe chezvikamu zveNew Curriculum uye chichange chichifundiswa kubvira Grade 3 zvichienda mberi.

“Tiri kushanda pamwe chete nebazi rezvekurima kuitira kuti pave nekudzidziswa kuzere kwezvidzidzo zvekurima muzvikoro zvichienderana nezviri muNew Curriculum,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey