Tinorarama: Dynamos

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Tinorarama: Dynamos Richard Chihoro

Kwayedza

Abel Ndooka
MANEJA weDynamos FC, Richard Chihoro, anoti hazvimbofe zvakaitika kunzwa kuti DeMbare yaburitswa muligi reCastle Premiership kunyangwe ikatamba zvakashata sei.

Chikwata ichi mwaka uno hachisi kutamba zvinogutsa izvo zvinove zvimwe zvezvikonzero zvakazotuma aimbove mutungamiri wacho Kenias Mubaiwa kuti asiye chigaro chake.

Parizvino chikwata ichi chakagara pechi13 palog chiine zvibodzwa 22 kubva mumitambo 20 yachatamba uye chakasiiwa nezvibodzwa 27 neFC Platinum iyo iri kutungamira palog.

Mwaka uno, Dynamos yasarirwa nemitambo 14 nekudaro iri kufanirwa kuhwinha mitambo yayo yose kuti irambe iri muPremier Soccer League.

Kingston Nkhatha

“Hakuna zvinhu zvakadaro zvinomboitika. Isu tiri Dynamos zvizivei uye tasarirwa nemitambo 14 saka muchaona minana ichaitika.

“Tinogona kupedza tiri kumusoro ikoko tichidzingirirana nevamwe, kwete kuburitswa muPSL nekuti haizove nhabvu kana DeMbare tisimo uye hazvitomboitike,” anodaro Chihoro.

Nyoka – sezita remadunhurirwa raChihoro – anoti chimwe chezvikonzero chaiita kuti chikwata ichi chitatarike kutadza kunwisa kwevatambi vekumberi izvo anoti zvakagadziriswa nekutengwa kwaKingston Nkhatha uyo akabva kuSupersport United yekuSouth Africa uye nevamwe vatambi vanosanganisira Brett Amidu naDenver Mukamba.

“Kumberi uko ndiko kwange kwakabooka, asi tazokugadzirisa nekuuya kwaNkhatha, tiri kumuona achiita gadziriro dzake. Mutambi uyu ari kupisa uye akamirira kubvongodza mambure.

Denver Mukamba

“Kozoti Brett naDenver vese vari kutopisa vari kutongomomirira kuti mutambo usvike votongonwisa,” anodaro.

Chihoro anoenderera mberi achiti Mukamba ari kupihwa mukana sevamwe vatambi kuti abatsire chikwata ichi. Zvakadai, kudzoka kwakaita Mukamba kuDynamos kwakaona pachiita kakudhonzerana sezvo zvichinzi murairidzi weDeMbare – Lloyd Mutasa – aisada kuti mutambi uyu adzoke nekuda kwehunhu hwake hwange husina kumira zvakanaka izvo zvakambomuona achiendswa kuCAPS UNITED nechikwereti uko akazodzingwa zvichitevera kusaenda kwaakaita kunotirena.

“Denver tinaye ndewedu adzoka muchikwata, uye ari kupisa tiri kumuona patiri kuita gadziriro dzedu saka mumwe wevatambi vachatibatsira kuti tirambe tiri muPSL tisaburitswe muPSL,” anodaro Chihoro.

Share This:

Sponsored Links