Tinosvika kure: fc Platinum

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Tinosvika kure: fc Platinum Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yeCastle Premiership, FC Platinum, inoti shuviro yayo kuti ive chimwe chechikwata zvikuru muAfrica yese kuburikidza nekutamba nhabvu yepamusoro-soro.

Pure Platinum Play, sezita remadunhurirwa reFC Platinum, ndiyo iri kutungamira palog reCastle Premiership uye yasarirwa nemitambo 10 kuti ichengetedze mukombe wayo uyo yakahwinha mwaka wadarika.

Ikakwanisa kuzviita zvakare mwaka uno inobva yapinda muboka rine zvikwata zvinoti Dynamos, CAPS UNITED neHighlanders izvo zvakakwanisa kuchengetedza mukombe uyu mushure mekunge zvauhwinha kubva gore ra1980.

Kuhwina kwakaita Platinum mukombe uyu gore radarika, yakabva yaita chikwata chekutanga chisiri chemuHarare neBulawayo kutora mukombe uyu.

Mukushi wemashoko weFC Platinum, Chido Chizondo, anoti hurongwa hwavo ndewekurwira kuti vave shasha dzemuZimbabwe uye nekuvewo chimwe chezvikwata zvikuru muAfrica.

Chido Chizondo

“Isu sechikwata, shuviro yedu yatiri kushanda takatarisa kuve chikwata chikuru muAfrica, chimwe chezvakarongeka uye chinoziva zvachiri kuita. Ndiko kwatiri kunanga.

“Saka kuti zviitike tinofanirwa kutanga tave shasha nekudaro ndizvo zvatiri kushandira kuti zviitike kuti tive shasha dzemuno nekudaro vakomana vari kuedza nepavanogona kuti tirambe tiri shasha dzemuno,” anodaro Chizondo.

Anoenderera mberi achiti mitambo 10 yavasarirwa nayo mikuru uye chikwata chavo chinofanirwa kuramba chakashinga chichitamba nhabvu yepamusoro sezvachakaita mwaka wadarika.

“Nhabvu inonetsa, hauzive zvinoitika mangwana saka chikuru kuramba takashinga tichitamba nhabvu yepamusoro yatange tichingotamba mwaka wese. Tikangovarairwa chete, tinozviruza, ichi ndicho chokwadi.

“Svondo radarika, takange tatodzikira palog asi pane zvimwe zvikwata zvakatadza kushandisa mukana wazvo saka iye zvino tadzoka panyanga.

“Tiri kufanirwa kuramba takashinga tichikavira bhora mberi, hapana kudzokera kumashure,” anodaro.

Zvakadai, mubvunzo wave pamiromo yevatsigiri venhabvu vazhinji ndewekuti FC Platinum yave chimwe chezvikwata zvikuru here muZimbabwe?

Chizondo anopindura achiti, “Isu sechikwata chishuvo chedu kuti zita redu rive guru muAfrica tive brand.

“Saka kuti zviitike, tinofanirwa kuramba tichitamba nhabvu yepamusoro, inodakadza uye inonwisa mvura, tichihwina zvakare mikombe sezvatange tichiita makore adarika aya,” anodaro Chizondo.

Mashoko ake anotsinhirwa neMurairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza, achiti hazvishamise kuti chikwata chavo chiri kutungamira palog reCastle Premiership uye vanofanira kuramba vachishanda nesimba mumitambo yavo yasara.

“Hazvisi zvitsva izvi kuve patiri apa, chinongodiwa kuti tirambe tichishanda nesimba nekuve netariro pamitambo yedu yese yasara iyo yakaoma zvikuru,” anodaro Mapeza.

Achibvunzwa kuti FC Platinum yave chimwe chezvikwata zvikuru here munyaya dzenhabvu muZimbabwe, Muchina wemajuzi – sezita remadunhurirwa raMapeza – anoti kwete chikwata chake chichiri kukura.

“Uyo mubvunzo unokwanisa kupindurwa nevatsigiri venhabvu, chikwata chedu chave nemakore manonwe chete chapinda muPSL saka kuti tingazviti tave vakuru mubhora remuno, haa pakati womeyi.

“Dynamos, CAPS UNITED neHighlanders ndizvo zvikwata zvikuru zvenhabvu munyika muno,” anodaro Mapeza.

Achibvunzwa zvakare kuti sei ari kuramba kuti chikwata chavo chikuru asi ivo vachitenga vatambi vepamusoro, Mapeza anoti, “Chokwadi ndechekuti tinotora vatambi vane makondirakiti apera kune zvimwe zvikwata, hatisi kutenga vatambi sezvinotaurwa nevamwe.

 

Share This:

Sponsored Links