Tinosvika kure: Mudimu

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Tinosvika kure: Mudimu Alec Mudimu

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neCefn Druids yekuWales Republic, Alec Mudimu, anoti shuviro yake kugadzwa kuve kaputeni wechikwata chenhabvu chenyika zvachose.

Mudimu ndiye akambofanopihwa chinzvimbo chekutungamira maWarriors mumitambo miviri yawo yadarika apo akasangana neSomalia mumutambo wekurwira kunokwikwidza ku2022 Qatar FIFA World Cup. Muhurukuro neKwayedza, Mudimu anoti ari mudenga rechinonwe nekuda kwechiremerera chaakapihwa naAntipas chekufanobata chinzvimbo chakaputeni wemaWarriors.

“Handisi kugona nemufaro, ichi chiremerera chikuru chinoshuvirwa nemunhu wese kutungamira nyika yako. Ndiri kufara chaizvo kana mhuri yangu haisi kugona nemufaro. Ndoda zvirambe zvakadaro, kana zvichiita ndoda kuramba ndirini mutungamiri ndichitungamira vamwe vatambi apo tichatanga kurwira tikiti rekuenda kunokwikwidza ku2022 Qatar Fifa World Cup,” anodaro Mudimu.

MaWarriors svondo radarika akapona nepaburi retsono kuti abudirire kuenda kumapoka ekurwira tikiti rekunokwikwidza kuWorld Cup nekudaro Mudimu anoti ino yave nguva yekubika chikwata chakasimba chichanokwikwidza nezvimwe mumutambo uyu.

“Ishuviro yemutambi wese kutamba kuWorld Cup uye ini ndichiri mwana mudiki ndichiona paTV vamwe vachitamba ndaingoshuvira ndichiti nerimwe zuva ndodawo kuzotambawo ikoko, saka ino yave nguva yekushanda nesimba. Tinoda kuenda kuQatar uye tikashanda nesimba tinoenda,” anodaro.

Mutambi uyu akazvarirwa muno asi ave nemakore mashanu akabva aenda kunogara kunyika yeEngland uko akazokurira achigara kuLondon kunove ndiko kwaakatanga kutambira nhabvu.

Akatambira zvikwata zvakasiyana zvinosanganisira Stalbridge Celtic, Radcliffe Borough, Nortwich Victoria, Stockport Town neCefn Druids iyo ari kutambira parizvino.

“Zimbabwe ndiyo nyika yangu uye ndinodada nayo, ndakazvarirwa muno uye mhuri yedu kunyanya vabereki vangu vanogara vachiuya kuno kuzoshanya nguva nenguva. Ndinotoziva nzvimbo zhinji dzemuno kusanganisira kuOld Highfields tine hama dzimwe dzinogara ikoko,” anodaro.

Achibvunzwa pamusoro pechikafu chaanofarira kudya, Mudimu anoti, “Zviri pachena kana ndauya muno ndinofarira kudya sadza uye nederere.”

Mudimu akatanga kutambira maWarriors gore radarika apo akashevedzwa neaimbove murairidzi wechikwata ichi – Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa – akatamba kumutambo we2018 Four Nations Tournament uyo wakaitirwa kuZambia.

Gore rino, aivemo muchikwata chemaWarriors chakakwikwidza kuAfrica Cup of Nations kuEgypt uko akakwanisa kutamba mitambo miviri yekutanga.

“Semutambi wenhabvu, ndichikura chandaingoda chete kupfeka jezi remaWarriors uye pandakapihwa mukana uyu ndakafara zvandisati ndakamboita uye zvikafadza zvakare mhuri yangu, vabereki vangu. Chinhu chandinoshuvira zvikuru kuti ndiite zvakanaka ndichitambira maWarriors,” anodaro Mudimu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey