Uncategorized

‘Tinovhura zvikoro kana zvanaka’

12 Aug, 2020 - 11:08 0 Views
‘Tinovhura zvikoro kana zvanaka’ Cde Moyo

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti zvikoro zvichazovhurwa bedzi kana mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwechirwere cheCovid-19 ave kutendera.

Mwedzi wapera, Hurumende yakapfuudza kumberi kuvhurwa kwezvikoro izvo zvaifanirwa kutanga nemusi wa28 Chikunguru zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 munyika muno.

Zimbabwe kusvika pari zvino yava nevanhu 4 748 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pahuwandu uhu, 1 524 vakatonaya asi vamwe 104 vakafa.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Edgar Moyo vanoti mamiriro ezvinhu haasati ave kutendera kuti vazivise kuti zvikoro zvichavhurwa rinhi.

Hurumende, zvisinei inoti iri mushishi yekuona kuti midziyo inodiwa mukudzivirira kupararira kweCovid-19 muzvikoro semamasiki yavepo.

“Tiri kumboongorora mamiriro akaita zvinhu, zvikuru vanhu vari kubatwa neCovid-19 munyika muno. Vakaramba vachiwanda, sezviri kuitika pari zvino, tinopfuudza mberi zvakare kuvhurwa kwezvikoro nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwevadzidzi nematicha,” vanodaro.

“Sebazi, tiri kuramba tichigadzirira kuvhurwa kwezvikoro kuburikidza nekuunganidza zvinhu zvinoshandiswa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi uye kuvandudza mabhuku ezvidzidzo,

“Tange tichivandudza zvakare zvidzidzo zveparedhiyo. Kunharaunda dzisingakwanise kuwana masai-sai eredhiyo, tiri mushishi yekuona kuti pave nemabhuku anoenderana nezvidzidzo zveparedhiyo izvi,” vanodaro.

Cde Moyo vanoenderera mberi vachiti, ” Panyaya yebvunzo dzemunaChikumi, vakawanda vari kunyora vadzidzi vakazvimirira asi dzemunaMbudzi, tine vadzidzi vemuzvikoro nekudaro vanofanira kugara vakagadzirira kudzinyora.

“Vadzidzi vanofanirwa kuzonyora bvunzo ava vanoda nguva yakakwana kuitira kuti vapedze syllabus yavo. Pari zvino, nguva chete yatingataura pamusoro pekunyorwa kwebvunzo dzemunaMbudzi ndeapo patinenge tazozivisa musi unovhurwa zvikoro.”

Sachigaro wekanzuru inoona nezvebvunzo yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), Professor Eddie Mwenje, vanogara vachisimbisisa kuti vadzidzi vachazonyora bvunzo kana vapedza syllabus yavo uye mamiriro ezvinhu maringe nechirwere cheCovid-19 ave kutendera.

Share This:

Sponsored Links