Tipei maticha eShangaan: Gwanetsa

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views
Tipei maticha eShangaan: Gwanetsa VaGwanetsa

Kwayedza

George Maponga ari kuMASVINGO

LIMPOPO VALLEY — iyo iri kucham- hembe kweChikombedzi, kuMasvingo — yaita mbiri nenyaya yevana vanofoira bvunzo dzeGrade 7 neO-Level.

Nzvimbo iyi iri pakati penzizi Runde naMwenezi, inogara vanhu verudzi rweShangaan uye ichakasaririra panyaya dzebudiriro kusanganisira pazvikoro nemakiriniki. Zvikoro zvekunzvimbo iyi zviri kure nekure zvakanyanya uye vadzidzisi vashoma sezvo vazhinji vavo vachiramba kuendako nekuti hakuna zvekushandisa zvakakwana uye masaisai enhare, zvipatara nemigwagwa yakanaka.

Zvisinei nekuti nyaya yedzidzo yekuLimpopo Valley ine chekuita nekusaririra kwakaita nzvimbo iyi, inoda kugadziriswa nekuchimbidza.

Kufoira kuri kuwanikwa muzvikoro zvepuraimari kunzvimbo iyi kunonzi kuinofanira kugadziriswa nekukasira nevagari veko.

Zviri kutyirwa kuti Limpopo Valley inogona kusara zvakanyanya munyaya dzekuvandudzwa panguva iyo nyika ine hurongwa hwebudiriro hweVision 2030.

Mumiriri weChiredzi South mudare reNational Assembly, Cde Kallisto Gwanetsa, vanoti panodiwa kugadziriswa nyaya yemamiriro ezvikoro kunzvimbo iyi nekukasira. Vanoti nzvimbo yavo ichagara yakasarira kumashure kana nyaya yekufoira kwevana ikasagadzisirwa nenguva. Mugore ra2018, vana vezvikoro zvina zvepuraimari zvinoti Chilugwi, Dhafi, Pukupela neDhakale vakafoira zvakanyanyisa zvekuwana 0 percent pass rate pabvunzo dzeGrade 7.

Muna2015, zvikoro zvepuraimari zvitatu zvinoti Mugiviza, Samu neDake zvakaita vana vakafoira zvakanyanyisa zvakare paGrade 7.

Gore rapera, Samu Primary School ndiyo ine vana vakanyanya kufoira pabvunzo dzeGrade 7.

“Panoda kuti pawanikwe zvekuita nekukasika kugadzirisa nyaya dzekufoira kwevana uku, kunyanya muzvikoro zvepuraimari.

Kunyangwe muna2019 pakaita shanduko kupasa kwevana hakusati kwanyanya kukwira kana tichienzanisa nedzimwe nzvimbo. Panofanira kugadzirirwa nekukasira,” vanodaro Cde Gwanetsa.

Vanoti danho rekutanga kuve nevadzidzisi vanotaura Shangaan kunzvimbo iyi.

“Dambudziko rese rinotangira padanho rekutanga reE C D nekuti vana vazhinji vanodzidziswa nevadzidzisi vasingataure Shangaan,” vanodaro.

Cde Gwanetsa vanoti ongororo yakaitwa nevatungamiriri venzvimbo iyi inoratidza kuti kushaikwa kwevadzidzisi vanotaura Shangaan ndiro dambudziko guru riri kukonzeresa kufoira zvakanyanya kwevana.

“Chishuviro chedu ndechekuti vadzidzisi vazhinji vachaiswa muzvikoro izvi vange vachitaura mutauro weShangaan,” vanodaro.

Vanoti dambudziko iri vanotarisira kuti richabatsirwa kupedzwa nezvikoro zvedzidzo yepamusoro zviri munzvimbo yakapoteredza Limpopo Valley.

“Tine mayunivhesiti akaita seGreat Zimbabwe University, Mid- lands State University uye Venda University yekuSouth Africa ayo ari kudzidzisa neShangani.

“Chishuviro chedu kuti vadzidzi vekumayunivhesiti aya vachadzoka kumusha vachidzidzisa munzvimbo dzavakazvarirwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links