Tipeiwo mukana: Tete Pipilo

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Tipeiwo mukana: Tete Pipilo Tete Pipilo

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI weSungura Patricia Makusha – uyo anonyanya kuzivikanwa saTete Pipilo – anoti vanhukadzi vanoimba musambo uyu vanofanirwa kupihwa mukana kuburikidza nekutsigirwa nemapuromota sezvinoitwa vanhurume kuti vagobudirirawo muhupenyu hwavo.

Tete Pipilo ndiye oga muimbi weSungura wechidzimai parizvino uye akwanisa kubura madambarefu matanhatu.

Asi anoti kunyangwe zvake achitambirwa nevatsigiri vake, mapuromota akawanda haazi kupa vanhukadzi mikana yekuti vataridze zvipo zvavo sezvavanoita kuvanhurume.

“Mapuromota akawanda havasati vazvitambira kuti munhukadzi anoimba nziyo dzeSungura, vanofunga kuti vanhukadzi vanongoimba zvechitendero chete, Jazz, Zim-dancehall kana Afro-fusion. Manje tiri kutofamba neSungura, tiri kutojambisa chaunga zvakasimba uye tiri kuenda mberi. Chishuwo changuwo kuti tisvike padanho revaimbi vakanetsa vekunze vakaita saDolly Parton, Tina Turner naBrenda Fassie avo vakakwanisa kuumba mazita avo muindasitiri yemhanzi yainge izere varume chete,” anodaro Tete Pipilo.

Tete Pipilo akazvarirwa kwaChivero, kuMhondoro uko akadzidza.

Achitanga kuita zvemhanzi, akamboimba misambo yakasiyana-siyana inosanganisira Jazz neAfro-Jazz, Jiti neRhumba.

Tete Pipilo akazotanga kukwenya Sungura mugore ra2012 ndokuzokushanda pamwe chete nevaimbi vanosanganisira Madzibaba Nicholas Zacharia, Sulumani Chimbetu, Peter Moyo naJah Prayzah.

“Mwari vari kuti gonera uye vanoramba vachititungamirira pese kunyangwe zvakaoma isu tiri kushanda nesimba kuti basa redu rifambe riende kumberi. Kunyangwe tikanyimwa mashoo, kune vamwe vanoda kushanda nesu uye vari kushuvira kutiona tichishanda basa redu richienda kumberi. Hapana chinombotitadzisa kuramba tichikwenya magitare,” anodaro Tete Pipilo.

Mudzimai uyu anoti acharamba achisimudzira musambo weSungura.

“Tichikura taiziva kunanaLeonard Dembo, Jonah Moyo, John Chibadura nevamwe vakawanda saka chishuwo changu kuti musambo uyu urambe wakasimba sezvawainge uri panguva yevaimbi ava,” vanodaro Tete Pipilo.

Share This:

Sponsored Links