‘Tiri kuda maticha 1 500 eMathematics, Science’

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views
‘Tiri kuda maticha 1  500  eMathematics, Science’

Kwayedza

VARAIRIDZI vezvidzidzo zveMathematics neScience vashoma zvikuru munyika sezvo kuine nzvimbo 1 500 dzinoda vadzidzisi ava.
Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, svondo rapera kuBulawayo apo vaitaura nevatungamiriri vebato reZanu-PF kuMatabeleland South vachijekesa mutemo webazi ravo.

“Vadzidzisi vanodarika 1 500 veScience neMathematics vanodiwa. Nzvimbo idzi hadzina vanhu uye tinoda kuti tidzizadzise,” vakadaro.

“Ndinovimba mumakore matatu ari kutevera varairidzi vakawanda vachadzidziswa kuti tigadzirise dambudziko iri.”

Cde Dokora vakati kushomeka kwevarairidzi ava kuri kukanganisa chishuwo cheHurumende chekuti pave nezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoita zvidzidzo izvi, izvo zvakaonekwa zviri mwongo wekusimudzirwa kwenyika.

“Kushomeka kwevadzidzisi veScience kwaita kuti pave nevadzidzi vasina zvavanokwanisa kuita maringe nemabasa emawoko anoenderana neScience. Izvi zviri kuita kuti pave nekusafarirwa kwekuitwa kwezvidzidzo zveScience neMathematics,” vakadaro.

Kushomeka kwevarairidzi ava kuri kuwanikwa kumapurovhinzi ose 10 enyika.

Matunhu anoti Matabeleland neMildlands ndiwo ane varairidzi veScience neMathematics vakanyanya kushomeka sezvo aine chikamu chenzvimbo dzinoda vadzidzisi che55%. Kushomeka kwemascience laboratories nezvimwe zvinodiwa pakudzidza kuzvikoro zviri kumaruwa kuri kuita kuti dambudziko iri rikure. Izvi zviri kuwedzerwa nekuenda kuri kuita vadzidzisi veScience neMathematics kunyika dzakavakidzana neZimbabwe vachitsvaga raramo.

Cde Dokora vakataurawo pamusoro pekuendeswa kwevadzidzisi vasingataure Ndebele kuMatabeleland, vachiti izvi zviri kuitirwa kuedza kupedza kushomeka kukuru kwevarairidzi mudunhu iri.

Vakati nyaya iyi yaida kutaurirana pakati pebazi ravo nemamwe mapoka.

Vatungamiriri vezvematongerwo enyika kuMatabeleland nguva yadarika vakaratidza kushushikana nekuendeswa kwevarairidzi vasingataure Ndebele kuzvikoro zviri kudunhu iri vachiti izvi zviri kuita kuti pave nedambudziko pakudzidziswa kwevana sezvo zvisiri nyore kutsanangura zvinhu panenge pachida kushandiswa rurimi rwaamai. – The Herald.

 

Share This:

Sponsored Links